1 Asi Saulo asingolangalila kuchenisiwa nokubaiwa wadzidzi waShe wakaenda kumupulisita mukulu 2 uye akakumbila kwaali mangwalo okuenda nawo kuma sinagogi muDhamasiko, kuti kana awana vamwe waiwa Wonzila iyo,kana wanhukadzi kana wanhulume, awuye nawo Jelusalema. 3 Zvino akati asifamba, izvi zvidoitika apadhuze neDhamasiko, ipapo ipapo chiedza chakabva kudenga chakamupenyela pamativi yose chisibva kudenga; 4 uye akadonha akanzva dzinga lisisti kwaali, ''Saulo, Saulo, senyi usinditambudza.? 5 Saulo akapindula, ''Ndimi aniko, Ishe?'' Ishe wakati, ''Ndini Jeso, uyo waulikutambudza; 6 asi sumuka, pinda muguta, uye usaudziwa zvaunefanihwa kuita.'' 7 Munhulume aiwa Saulo adosala adomila asishaya zvekutaula, asinzva dzinga , asi asingaone munhu. 8 Saulo akasimuka pasi, asisunudza meso ake ,haana kuona chinhu. 9 Akaita mazuva matatu asingaoni asingaje kana chinhu 10 Zvino paDhamaseko pakanga pane umwe mudzidzi ainzi Ananiasi iye akati ndili pano ishe. 11 Ishe akati kwaali simuka uende munzila yomuguta inonzi Yakalulama , uye mumba maJudhasi munhuilume anonzi Saulo we Tarso , nokuti talila , unonyengetela. 12 Akaona muchiladzo munhulume anonzi Ananiasi asipinda asiisa maje ake pamusolo pake, kuti aone zvekare. 13 Zvino Ananiasi akapindula akati, Ishe ndanzva nawanhu wazhinji zvamunhu uya kuti akaitila watsvene wenyu pa Jerusarema zvadoipa zvizhinji. 14 Napano unosimba raadopiwa nava Pilisita wakulu kuti wasunge wose wanonamata nozita lenyu. 15 Asi Ishe wakati kwaali ,enda nokuti Ishe iye mudziyo wakatsanguriwa neni , kuti aende nozita langu kuvaHedheni, namadzimambo nokuwana waIslaeli 16 nokuti ndisamulatidza zvose zvachafanihwa kutambulila nokuda kozita langu.'' 17 Ipopo Ananiasi akaenda akapinda mumba . Akaisa manja pamusolo pake, akati, ''Bhuti Saulo, Ishe Jeso, adozvilatidza kwauli munzila pawaiuya, andituma kuti mugamuchile kuona uye muzadziwe noMwoya Mutsvene.'' 18 Pakalepo pameso paSaulo pakabva zvinhu zvinonga mafunuhwa , uye adobva aona; akabva amuka bva abhabhatidziwa; uye 19 akaja akasimbisiwa. Akagala nowadzidzi paDhamasiko kwomazuwa adowanda. 20 Pakalepo akapalidza Jeso muma sinagogi yose, asiti Mwanakomana waMwali. 21 Wose wadomunzva wadoshamisika uye wadoti, Haasi munhulume uya waipaladza womu Jelusalema waidaniwa nozita lake? Adouya izvozvo akawatola kuenda nawo kuwapilisita wakulu.'' 22 Asi Saulo adolamamba asisimbisiwa, uye akawunza kusagadzikana pakati pomaJudha waigala muDhamasiko asiwalatidza kuti Jeso ndiye Kilisito. 23 Mushule moma zuwa mazinji, maJudha adolangana pabodzi kumubaya. 24 Asi kulonga kwawo kudozikamwa naSaulo. Wainangala masuwo masikati namaulo kuti wamubaye. 25 Asi wadzidzi wakamutola husiku wakamubulitsa nopalusvingo, wakamuisa mudengu. 26 Zvino paakasvika Jelusalema, Saulo akayedza kubatana nowadzidzi, asi wose waimucha, wasingatende kuti mudzidziwo. 27 Asi Bhanabhasi adomutola uye akuunza kuwaapositoli, uye akaudza kuti Saulo adosangana naIshe munzila uye Ishe adotaula kwaali, uye kuti kuDhamasiko Saulo akataula muzita laJeso asingache. 28 Aiwa nawo , wasipinda nokubuda wasitendelela Jelusalema. Aitaula asingache muzita laIshe Jeso 29 uye akaita nhalo nowaJudha waitaula Giliki ; asi vakaedza kumubaya. 30 Zvino hama dzikati dzaziwa nozvazvo, dzakamubulisila Kesalia uye ndokumutumila Tarso. 31 Nokudaro, kereke yose yoJudhea, Garirea, uye Samaria yakawa norugare uye ikawakiwa ; ikafamba isicha Ishe uye isinyaradziwa noMwoya Mutsvene, kereke dzakakura muuwandu. 32 Zvino zvauya sezvizvi, Petro adoenda nomunharaunda, adodzika kamu nokunowanhu watsvene waMwari waigara muguta roRidha. 33 Ipapo adowana mumwe munhurume ainzi Eneasi, akange adorara kwomakore masere, akanga adopfa mitezo. 34 Petro adoti kwaari, ''Eneasi, Jeso Kirisito akuporesa. Simuka uwaranure nhowo dzako,'' ipapo adosimuka. 35 Nokudaro wose waigara muRidha uye muSaroni wakaona munhurume uye wose wakatendeuka kuIshe 36 Zvino wakanga wawa paJoppa paiwa nomunhukadzi mudzidzi ainzi Tabhita [ ndokuti ''Dorkasi'']. Munhukadzi uyu waiwa azere nomabasa adonaka uye notsitsi dzozvipo zvaipasa kuwarombo. 37 Zvakauya pamazuwa aadohwara uye akazopfa; pawaimushambidza, wakamuisa paimba yokumusoro 38 Zvino Ridha paiwa padhuze noJopa, vadzidzi pawadonzva kuti Petro waiwapo, wakatuma wanhurume wawiri kwaari kuti wakakumbire zvikuru, ''Huya kwatiri usinganooke.'' 39 Petro akauya akaenda nawo. Pakawasvika, wakaenda naye kuimba yokumusoro, uye chirikadzi dzose dzakamira naye dzichichema, dzisimuratidza zvokupfeka nonguwo dzavakanga vaitihwa naDorkasi, paanga ari mupenyu 40 Petro akawabuditsa wose panze, akapfugama, uye akatanga kunamata; uye, akatendeukira kumutumbi, akati, ''Tabhita, muka.'' Ipapo akasvinura maziso ake, akaona Petro adogara. 41 Petro akamupasa janja rake akamusimudza; uye akashedzera vanhu nechirikadzi tvene vaMwari, akamuisa pamberi pawo ari mupenyu. 42 Chiitiko ichi chakaziwikaniwa muJopa yose, uye wanhu wazinji wakatenda kunaIshe. 43 Izvi zvakaitika Petro akagara kwomazuwa adowanda muJopa nomunhurume ainzi Simoni, musuki womatehwe