1 Zvino paiwa nomumwe munhulume woguta loKesalia, Kornelio ndozita yake, mukulu wozana yohondo yainzi yoItalia Regimenti. 2 Aiwa munhulume adozvipila, aicha Dedza nomhuli yake yose, aipasa zvipo kuwanhu kuwanhu wazinji, asinamata Mwali nguwa dzose. 3 Nonguwa dzopfumbamwe, adonatsokuona ngilozi, yaDedza isiuya kwaali. Ngilozi idoti kwaali ''Kornelio! 4 Kornelio adotalisa kungilozi uye adozadziwa nokucha akati, ''Matinyi Ishe? '' Ngilozi idoti kwaali, ''Minamato nozvipo zvako kuwanotambula zvaenda zvalangalihwa sochipiliso pambeli paMwali. 5 Ikozvino tumila munhulume kuguta lokuJopa awinze munhulume anonzi Simioni anoitiwa Petulo. 6 Ali kugala nomunhu anonzi Simioni, imba yake ili padhuze nogungwa. 7 Apo ngilozi yaakataula nayo payakabva, Kornelio akasheedza walanda wake wawili womumba, uye nomuhwi adonaka pakati pawo awo wadomununula. 8 Kornelio adowaudza zvidoitika uye akawatuma kuJopa. 9 Zvino nozuwa laitewela paawa yochitanhatu, pawaiwa pahwendo apo wainga wakusvika muguta, Petulo adoenda pamusolo poumba kanamata. 10 Apo adonzva nzala uye aida chokuja, asi munguwa apo wanhu waibika adopasiwa chilatidzo, 11 uye adoona denga lisivhulika uye chinhu chichidzika, chinhu chaita kunga jila likulu chisidzika panyika, chisidzika nomatiwi mana. 12 Machili maiwa nomhuka dzose dzino makumbo mana nazvose zvinekambaila panyika, uye noshili dzodenga. 13 Ipopo dzinga lidoti kwaali: Sumuka, Petulo, baya uye uje.'' 14 Asi Petulo adoti, ''Hazvisizvo, Ishe; handisati ndaja icho chakasvipa chisina kuchena.'' 15 Asi dzinga lidouya kamu kwaaali kechipili. ''Icho chachenesewa naMwali usachiti chidosvipa. 16 Izvi zvidoitika katatu, chinhu chakakwidza pakalepo kudzokela kudenga. 17 Apo Petulo aiwa nokuvhilingidzika nokuda kwochilatidzo ichi ipopo wanhulume waiwa watumiwa naKornilio wakamila pamusuwo, mushule mokubvunza nzila yawo yokumba. 18 Wadosheedza wakabvunza Simoni, ainzi Petulo, kana aigala pakalepo. 19 Apo Petulo aiwa asifunga zvochilatidzo, Mwoya udoti kwaali, Hona, wanhulume watatu wakukutsvaga. 20 Sumuka uyende pasi uye uende nawo. Usacha kuenda nawo, nokuti ndawatuma.'' 21 Nokudalo Petulo adoenda kuwanhulume uye akati, ''Ndini wamuli kutsvaga. Senyi mauya.? 22 Wadoti , ''Mukulu womauto anonzi Kornelio, muhulume adotendeka anecha Dedza , uye anotauhwa nozvake nyika yomaJudha, adotaulihwa nongilozi idonaka yaMwali kuti muuye kumba kwake, kuti anzve mashoko kubva kwamuli.'' 23 Nokudalo Petulo adowakoka kuti wagale naye. Kuseni kwaitewela akamuka kaenda nawo, nowamwe wanabhuti woku Jopa wakabatana nawo. 24 Nozuwa laitewela wadouya kuKesaria. Kornelio akanga adowamilila. adosheedza hama dzake uye noshamwali dzopadhze. 25 Izvi zvikawa apo Petulo paadopinda, Kornelio adosangana naye adodonha pasi pamakumbo ake akamunamata. 26 Asi Petulo adomubetsela kusimuka asisimuka, ''Simuka! neniwo ndili munhu. 27 Apo pawaikulukula naye, adopinda akaona wanhu wazinji wadomuunganila . 28 Adoti kwawali, ''Imi pachenyu muneziwa hazvisi pamutemo kuti muJudha awililane nomunhu asili woludzi lake. Asi Mwali wandilatidza kuti ndisasheedza mumwe wenyu munhu adosvipa kana asinakuchena. 29 Nokudalo ndauya ndising lambe, pandasheedzewa ndakubvunzanyi senyi mandideedza.'' 30 Kornilio adoti, ''Mazuwa mana adalika panguwa dzakale dzino, ndakange ndisinamata panguwa yochifumbamwe mumba mangu; uye ndaona , munhulume adomila pambeli pangu adopfeka nguwo chena. 31 Adoti, 'Kornelio, munamato wako wanzviwa naDedza, uye nozvipo kuwalombo zvafungiwa naMwali nezvako. 32 Nokudalo tuma munhu kuJopa, ukasheedze munhulume anonzi Simioni anoitiwa Petulo. Alikugala mumba musuki womatehwe anonzi Simioni, padhuze nogungwa.' 33 Nokudalo ndamutuma kwamuli.Unefanihwa kuuya. Naizvozvo , tili pano tese muuwepo hwaMwali kuti tinzve zvose zvawatumiwa naMwali kuti utaule. 34 Ipopo Petulo adovhula mulomo wake akati, ''Zvilokwazvo, Ndineona kuti Mwali haatoli diwi chelo laani. 35 Asi , munyika imwe noimwe kune uyo anemucha uye aneita zvinhu zvidonaka zvinegamuchilihwa kwaali. 36 Muneziwa shoko laadotumila kuwanhu we Isilaeli, paadotaula shoko lidonaka lolunyalalo kubulikidza naJeso Kilisito, Mwali wawose- 37 imi pachezvenyu muneziwa zviitiko zvidotola nzvimbo kupfulikidza kuJudhia yose, zvidotangila mu Galili, mushule mokuziwisiwa kubhabhatidziwa kwaJohani, 38 zviitiko maelelano naJeso Kilisito woNazaleta, kuti Dedza adomuzodza senyi noMwoya Mutsvene uye nosimba. Adoenda asiita zvidonaka asipodza wose waitambudzika nomwoya idoipa, nokuti Dedza aiwa anaye 39 Tili zvapupu zvezvinhu zvose zvidoitiiwa naJeso, pabodzi nonyika yoJudha uye muJelusalema. Wadomubaya wasimusungilila pamuti, 40 asi Dedza adomusimudza nozuwa lotatuadoita aonewe, 41 kwete nawose asi noawo wadosaludziwa kwamuli naMwali- neisu taija nokumwa naye mushule mokumuka kuwadopfa. 42 Adolaila kwatili kupalidza kuwanhu nokupupula kuti ndiye adosimudziwa naMwali kuti atonge wadopfa nowapenyu. 43 Zvili kwaali kuti wapolofita wose wasapupula, kuti wose wanotenda kwaali wasawana kulegelehwa zvitadzo kupfulikidza nozita lake. 44 Apo Petulo ainge achili kutaula izvi, Mwoya Mutsvene udouya pawali wosewaitetekela kumashoko ake. 45 Wanhu waiwa wadodzingisiwa boka lowaitenda - wose wadouya naPetulo wakashamisiwa, nokuti chipo choMwoya Mutsvene chidobuda kuna waHedheni. 46 Apo wadonzva izvi maHedheni wasitaula nomamwe maludzi waiumbidza Mwali, Ipopo Petulo adopindula, 47 ''Kuti pano chelo angachengeta mvula yowanhu awa kuti wasabhabhatidziwe, wanhu awa watambila choMwoya Mutsvene sozvakaita izvi?'' 48 Ipopo adolaila kuti wabhabhatidziwe nomuzita laJeso Kilisito. Apo wadomukumbila kuti agale nawokwomazuwa adowanda