1 Zvino wapositoli uye nohama dzaiwa muJudhia wadonzva kuti waHedheni wadogamuchila shoko laDedza. 2 Apo Petulo paadouya kuJelusalemu, awo waiwa chikwata chowadodzingisiwa wadomupikisa, 3 wadoti, ''Iwe udowililana nowanhu wainge wasina kudzingisiwa uye ukaja nawo!'' 4 Asi Petulo adowatsanangulila nyaya yacho sozvaili, asiti, 5 ''Ndainge ndisiteula muguta loJopa, uye ndakapasiwa chilatidzo chomudziyo usidzika pasi, somucheka muhombe lisidzikisiwa kubva kudenga nomatiwi mana. Chidouya pamusolo pangu. 6 Ndidotalisa kwachili ndikafunga nozvacho ndidoona mhuka dzino makumbo mana panyika, nomhuka dzinekambaila, uye noshili dzodenga. 7 Ipopo ndikanzva dzinga lisiti kwandili, 'Simuka; baya uye uje! 8 Ndidoti, Kwete sokudalo, Ishe; chose chidosvipa kana chidochena hachisati chapinda mumukamwa mangu.' 9 Asi dzinga lidopindula zvokale kubva kudenga, 'Chose Dedza chaachenesa, haufanili kuchiti chidosvipa; 10 Izvi zvidoitika katatu apo zvose zvidodzosehwa kudenga zvokale. 11 Ipopo, paiwa nowanhulume watatu waiwa wadomila pambeli poimba yataiwa tili; waiwa watumihwa kubva kuKesalia kwandili. 12 Mwoya udondilaila kuti ndiende nawo, uye ndisinga zengulile pamusolo pawo. Wanhulume watatu wadoenda neni, uye tidoenda mumba mowanhulume awa. 13 Adotiudza kuti adoona ngilozi yainga yakamilapaumba yake isiti, 'Tuma nhume kuJopa ukatole munhulume anonzi Simoni anonzi Petulo. 14 Asataula nomashoko asakuponesanyi mose nomhuli yenyu 15 Apo pandidotanga kutaula nawo, Mwoya Mutsvene udouya kwawali, sozvidoitiwa patili pakutanga. 16 Ndidolangalila mazvi aIshe , adoti, 'Johani adobhatidza nomvula; asi imi musabhabhatidziwa noMwoya Mutsvene. 17 Naizvozvo kuna Dedza adowapasa chipo chibodzi chachatipasa kana tatenda munaShe Jeso Kilisito, ndingawa ani, ndingapikisa Dedza?'' 18 Pawadonzva zvinhu izvi, hapana zvawadopindula, asi wadolumbidza Mwali uye wasiti, ''Dedza apasa shanduko kuno awo waisatenda zvokale.'' 19 Zvino wainga wakapaladziwa nokutambudziwa kudomuka pamusolo paStefano zvidopalalila kusvika kuFenikia, Kupro noAntiokio uye waisataula shoko kuwa Judha. 20 Asi wamwe wawo, wanhulume wekuKupro uye wakaula kamu kuwa Giliki, wasiwaudza nozvo shoko lidonaka laIshe Jeso. 21 Janja laIshe laiwa nawo; wazinji wakawa nokutenda wakauya kunaShe 22 Nyaya yopamusolo pawo idosvika munzvewe dzokeleke muJelusalemu, uye wakatumila Bhanabhasi kuAntiokio. 23 Paadouya akaona nyasha dzaDedza, akawa nokufala uye adowakuludzila wose kuti walambe wana Mwali nomwoyo wawo wose. 24 Nokudalo aiwa munhulume adonaka uye adozadziwa noMwoya Mutsvene uye nokutenda, uye wanhu wazinji wadowedzehwa kunaIshe. 25 Bhanabhasi adobuda akaenda Tarso katalisa Saulo. 26 Paadomuwana, adouya naye kuAntiokio. Ipopo akauya,vadoungana kwogole lese pabodzi nekeleke wasisidzidzisawanhu wadowanda. Watewedzeli pakutanga wainzi waKilisito muAntiokio. 27 Zvino mazuwa awa wamwe mapolofita adobuluka wasibva Jelusalemu wasienda kuAntiokio. 28 Mubodzi wawo, ainzi Agabo, adosimuka adolailihwa noMwoya kuti nzala hulu isawapo panyika yose. Izvi zvidoitika pamazuwa aKlaudio. 29 Naizvozvo wadzidzi, mumwe zvaaikwanisa, wakafunga kutumila lubatsilo kuhama dzawo kuJudhiya. 30 Wadoita izvi; wadotumila mali kuwakulu mumanja yaBhanabhasi naSaulo.