Mabasa Awapositoli Chikamu 12

2 Zvino panenge panguwa yamambo Helodhe adoisa manja ake pano wamwe wekukeleke kuti asawabata zvidonaka. 1 Adobaya Jemusi bhuti waJohani nobakatwa. 4 Mushule mokuona kuti zvaipfadza waJudha, adoendelela mbeli adosungawo Petulo zvokale. Aya aiwa mazuwa ezvingwa zvisina mbiliso. 3 Mushule mokumusunga, adomuisa mutilongo, akamuisila wahwi wana kuti wamugalilidze; aidawo kumuwinza kuwanhu kana Pasika yapela. 5 Nokudalo Petulo adogalisiwa mutilongo, asi minamato idopasiwa kunaDedza muchokwadi pamusolo pake noawo waiwa mukeleke. 6 Maulo ozuwa ilo Helodhe aida kumutonga , Petulo aiwa adolala pakati powahwi wawili, adosungiwa nongetani, apo walindi wali pamusuwo wasimunangala mutilongo 7 Naizvozvo, ngilozi yaIshe idozviladza kwaali, chiedza chika vheneka mutilongo. Idolowa Petulo nodivi ikamumutsa uye isiti, ''Simuka nokukulumbidza,'' uye ngetani dzidowa mumanja ake. 8 Ngilozi idoti kwaali, ''Zvipfekedze uye upfeka shangu dzako, ''Pfeka nguwo dzako dzekunze uye unditewele.'' 9 Petulo adotewela ngilozi uye akabuda.Ahana kuziwa kuti zvainga zvaitiwa nongilozi zvaiwa zvochokwadi. Aifunga kuti chilatidzo. 10 Mushule mokunga wapfuula pamulindi wokutanga nowochipili, wadouya pamusuwo lomataleilo laipinda muguta; likavhulika lega. Wadoenda uye wasidzika nomugwagwa, ngilozi idobva kwaali pakalepo 11 Apo Petulo asalaega, adoti, ''Zvino ndakuziwa Mwali atuma ngiloziyake kuzondisudzunula mumanja aHelodhi, uye kune zvose zvainangalilihwa nowaJudha.'' 12 Paadofunga izvi, akaenda kumba kwaMalia amai waJohane, anenzi Mako, uko kwaiwa nowazinji wasiteula. 13 Paado gogodza pagoni losuwo, mushandi ainzi Lodha adouya. 14 Paadoziwa dzinga laPetulo, nomufalo adotadza kuvhula gonhi; asi adomhanya kataula kuti Petulo aiwa pagonhi. 15 Ipopo vadoti kwaali, ''Unepenga.'' Asi iye adolamba asitaula kuti ndizvo. Wadoti, ''Ingilozi yake!'' 16 Asi Petulo adolamba asigogodza, apo pawakavhula musuwo, wakamuona wakashamisika. 17 Petulo akanongedza nojanja kuti wanyalale, akawaudza kununuhwa kwakange aitihwa naMwali. Adoti, ''Mhang'alanyi zvinhu izvi kuna Jakobho nodzimwe hama. ''Apo akabva akaenda kuno imwe nzvimbo. 18 Zvino akasvika masikati, paiwa nomhele mhele pakati powahwi nokuda kwozvaiwa zvakuitika kuna Petulo. 19 Mushule mokunga Helodhi amutsvaga wakamushaya, adobvunzitsita walindi uye adolaila kuti wabaiwe. Ipopo adobuda muJudhiya kuenda kuKesalia akanegala kwakaleko. 20 Zvino Helodhi adotsamwa zvikulu nowanhu woTile noSidhoni. Wakaenda nehulongwa hubodzi, mushule mokunyengetedza Blasto, mutewedzeli womutungamili wamambo, kuti awabatsile, wadokumbila lunyalalo kuti nyika yawo yaiwana zvokuja kubva kuna mambo wonyika iyi. 21 Nolimwe zuwa Helodhi adopfeka nguwo dzoumambo adogala pachigalo chohutongi; adotaula kwawali 22 Wanhu wadoshewedzela, ''Ili idzinga ladedza, kwete lomunhu! 23 ''Nokulumbidza ngilozi idomulowa, nekuti aiwa asina kuulumbidza Dedza; adojiwa nomakonye akapfa. 24 Asi shoko laDedza lidowedzela likabelekana. 25 Apa Bhaanabhasi naSaulo wadopedza mabasa awo, wakadzokela Jelusalema, wakatakula Johani ainzi Mako.