Mabasa Awapositoli Chikamu 13

1 Iko zvino mutembeli kuAntiokio, painga paina wamwe wapolofita nowadzidzisi. Waiwa Bhanabhasi naSimeoni [wainzi Nigeli], naRukio weKulini, naManaeni [ wakanga alelehwa pabodzi naHelodhi mubati ], naSaulo. 2 Apo wainga wasinamata Mwali wasitsanya, Mwoya Mutsvene udoti, ''Nditsaulenyi , Bhanabhasi naSaulo, kuti waite basa landidowashewedzela.'' 3 Mushule mokunga watsanya, kunamata , wadoisa manja awo pawanhulime awa, ndokuwaendesa. 4 Nokudalo Bhanabhasi naSaulo wadolemekedza Mwoya Mutsvene wakabulukila Selikia; vakabvapo wakaenda pachitsuwa choKupro nochikepe. 5 Apo waiwa muguta loSalami, wadopalidza shoko laDedza muma sinagogi yowaJudha. Waiwa na Johani Mako somutewedzeli wawo. 6 Pawakaenda nopazvitsuwa zvose kuPafosi, wakaona mumwe aiita zvomashula , mupolofita wonhema wochiJudha, zita yake ainzi Bali Jeso. 7 N'anga iyi yaigala munyika yainzi, Sergius Paulo, waiwa munhulume adochenjela. Munhulume uyu adodeedza Bhanabhasi naSaulo , nokuti aida kunzva shoko laDedza. 8 Asi Elimas ''womashula'' [ ndiko kutsananguwa kwozita lacho] adowapikisa; adoedza kubvisa mutongi pakutenda 9 Asi Saulo, anonzi Paulo, adozadziwa noMwoya Mutsvene, adomunangalisa 10 uye akati, ''Iwe mwana wadhiyabholosi, udozadziwa nozvidoipa nomanyepo. Uli muwengi wozvidolulama zvose. Haulegedzi kutsaula nzila dzidolulama dzaMwali? 11 Zvino nangala, janja laMwali lilipauli, uye usawa bofu. Huone zuwa kwonguwa idolepa.'' Ipopo chilima nomhute zviidowila paali ; adotanga kuenda asikumbila wanhu kuti wamubate janja 12 .Mushule mokunga mutongi aona izvi zvaiitika , adotenda, nokuti adoshamisiwa nozvidzidzo zvaDedza 13 Zvino Paulo noshamwali dzake wadobva ku Pafosi uye wakauya kuPerga kuPamfilia. Asi Johani akawasiya akadzokela kuJelusalema. 14 Paulo noshamwali dzake wadofamba kubva kuPerga uye wakauya kuAntiokia paPisidia. Ipopo vakaenda kusinagogi pazuwa loSabaata uye wakagala. 15 Mushule mokuwelenga kwomitemo uye wapolofita, wakulu wosinagogi wadowatumila shoko, wasiti, ''Hama, kana mune shoko linokuludzila lowanhu pano, litaulenyi. 16 Naizvozvo Paulo adosimuka aka ninikila nojanja lake, iye adoti, ''Wanhulume wo Isilaeli nouyo unekudza Dedza, tetekelanyi. 17 Dedza wewanhu weIsilaeli adosaludza wanababa wedu uye akaita kuti wanhu wawe wazinji pawaigala kuIjipita, uye nomauto adosimudzihwa uye akawakundisa. 18 Kwomakole anesvika makumi mana adogala nawo mulenje. 19 Mushule mokupaladza nyika nomwe panyika yo Kenani, adopasa wanhu wedu minda sonhaka. 20 Zvose izvi zvidoitika kwomakole mazana mana nomakumi mashanu. Mushule mozvose izvi , Dedza adowapasa watongi kusvikila kuna mupolofita Samueli. 21 Zvino wanhu wadokumbila mambo, uye Dedza adowapasa Saulo mwanamunhulume waKisi, munhulume woludzi laBenjamini, kuti awe mambo kwomakole makumi mana. 22 Mushule mokunge Dedza wamubvisa poutongi, adosimudza Dhavita kuti awe mambo wawo. Zvainga zvili zvaDavhita izvo Dedza akati, 'Ndaona Dhavita mwanamunhulume wa Jesse kuti awa munhulume womwoyo wangu, uyo aneita zvese zvandineda kuti aite. 23 Kubva kumunhulume uyo wana woludzi lake Dedza adounza lusununguko kuwa Isilaeli Muponisi, Jeso, sezvadotaula kuti asawaitila. 24 Mushule kwokuuya kwaJeso, Johani adotaula kubhabhatidziwa nokutendeuka kune wose weIsilaeli. 25 Apo Johane paaipedzesa basa lake adoti, munefunga kuti ndimi yani? Handisi uya . Asi tetekelanyi, mubodzi asauya mumashule mangu, wandisingagone kusudzunula shangu mutsoka dzake. 26 Hama dzangu , wana weludzi laAbhulahamu, uye noawo wanocha Dedza, zvili kwatili nokuda kwoshoko loluponiso latidotumihwa. 27 Kuno awo wanegala muJelusalema, nowatungamili wawo, hawana kumuziwa, uye wadozadzisiwa wasiti wapolopfita wanogala wasiwelengewa paSabata yoga yoga wakamupasa mhosva. 29 Kunyangwe zvazvo wadoona pasina chikonzelo chokonzelo chokutongehwa lupfu, wadobvunza Pilato kuti wamubaye. 28 Pawainge wapedza zvose zvidonyohwa pamusolo pake wakamudzikisa pamuti wakamuladzika muguwa. 30 Asi Dedza adomumutsa kubva kuwadopfa. 31 Adoonewa mazuwa mazinji kuno wadobva nawo kuGalili no Jelusalema. Awa wanhu ndiwo zvapupu zvake kuwanhu. 32 Naizvozvo tinekuudzanyi shoko lidonaka ilo Mwali laadowimbisa kuna wana baba 33 ali zadzisa kwatili, isu wana wawo, kumutsa Jeso. Sezvazvidonyohwa kuna mupisalema yochipili: ' Uli Mwana komana wangu, nhasi ndawa baba wako. 34 'Zvino zvaanoti adomumutsa kuwadopfa kuti muwili wake ulegedze kuola, Dedza adotaula nonzila iyi: 'Ndine kupasa mwoya uye nemakombolelo echokwadi atidowimbisiwa naDavhiti.' 35 Ndokusaka asiti kuno ilmwe Pisalema, 'Haungatendeli Chakanaka Chako unangale kuola; 36 Nokuti Dhavhidhi aita kuda kwaDedza paludzi lake, adolala lupfu, adoladzikiwa kuno madzibaba ake akaona kuola. 37 Asi uyo adomutsiwa naDedza haana kuona kuola. 38 Naizvozvo mbazvizikamwe kwamuli, anabhuti, kuti kubudikidza nomunhulume uyu adopalidza kulegelelehwa kwozvitadzo kwamuli. 39 Naiye wose wanotenda wachanesewa kubva kuzvose izvo mulawo waMozisi zvawaisakwanisa kunatsa kwamuli. 40 Naizvozvo ngwalilai izvo zvinhu zvinotauhwa nomapolofita zvisaitika kwamuli: 41 Nangalinyi, imi wadzidzi uye mushamisike uyezve mupalale; Nokuti ndikuwinza mabasa mumazuwa enyu, basa lamusatadza kutenda palili, kunyanyangwe mumwe akakuudzanyi.''' 42 Apo Paulo naBhanabhasi pawadobva wanhu wadowakumbila kuti wataule mashoko aya kamu paSabata linotewela. 43 Pakapela musangano wesinagogi, maJudha mazinji uye nowa proserite waitewela Paulo na Bhanabhasi , wakataulilana nawo uye kuwakuludzila kutiwalambe wali munasha dzaDedza 44 PaSabata laitewela, wanhu wose womuguta wainga wadoungana pabodzi wasinzva shoko laMwali. 45 WaJudha pawadoona wanhu wazinji, wadozadziwa noluwengo uye wadotaula wasipikisa zvai tauhwa naPaulo uye wadomutukwana. 46 Asi Paulo na Bhanabhasi wakataula noushingi wakati, zvinokuludzihwa kuti shoko la Dedza litauhwe kwamuli. Musiona mune lisundaidza kule nemi uye musiti hamukodzeli kuwa nopenyu usingapele, nangala, tisaenda kune Mahedheni. 47 Nokuti Mwali adotilaila, asiti, ''Ndakakuitai kuti muwe chiedza kune Mahedheni, kuti muwinze luponiso kumagumo yonyika yose. 48 Mahedheni pawadonzva izvi, wadofala uye wadofala uye wakalumbidza shoko laMwali. Nawose wakanga watalihwa hupenyu husingapele vakatenda. 49 Shoko la Mwali lakapalalila munyika yose. 50 Asi waJudha wakakuludzila wanhukadzi wanolemekedzewa nowanhulume waikudziwa noguta lose. Wadoita kuti Paulo naBhanabhasi watambudziwe uye wadowadzinga munhalaunda yawo. 51 Asi Paulo na Bhabhasi wakazunza guluwa mutsoka dzawo kwawali. Ipopo wakabva waenda kuguta lo Ikonio. 52 Wadzidzi wakalamba wasizaziwa nomufalo noMwoya Mutsvene.