Mabasa Awapositoli Chikamu 14

1 Zvidouya muIkonio kuti Paulo naBhanabhasi wadopinda pabodzi musinagogi yomaJudha wakataula nokudalo vazinji zinji waJudha nowa Giliki wakatenda. 2 Asi waJudha waiwa asina kutendeka wailamba pazvinhu zvawo wasiisa mifungo yoMahendeni uye wadoita zvinepesana nohama. 3 Nokudalo wakagala makalemo kwonguwa idolepa, wasitaula munaShe vasingache, naizvozvo adopasa umbowo nokuda kwamashoko enyasha dzake. Adopa zvilatidzo nominana kuti zviitiwe nomanja aPaulo naBhanabhasi. 4 Asi wanhu woguta wadopasanuhwa; wamwe kudiwi lowaJudha, wamwe kuwadzidzi. 5 Wose waHedheni nowa Judha [ pabodzi nowa tungamili wawo] wakaita chibvumilano kuti wawa bate zvidoipa kuti wawateme nomatombo, 6 asi nekukulumbidza pawakaziwa izvi, wakatizila Ristra noDerbe aiwa maguta eRikaonia nokunyika dzidopoteledza, 7 uko wakapalidza shoko lidonaka 8 PaListra mumwe munhulume akagala, asina simba muzvikumo zvokumakumbo, adobva mudumbu lamai wake adolemala, haana kubvila afamba. 9 Munhulume uyu adonzva Paulo asitaula. Paulo adoisa meso akekwaali uye adoona kuti aiwa nolutendo kuti apole. 10 Nokudalo adoti kwaali nodzinga likulu, ''Sumuka notsoka dzako.'' Munhulume adosvetuka uye akafamba asitendelela. 11 Chaunga pachidoona zvakanga zvaitiwa naPaulo, wakasimudza madzinga awo, wasiti nolilimi lawa Rikaonia , ''Zvimwali zvakuita somunhu uye zvadzika pasi kwatili.'' 12 Waitumidza Bhanabhasi kuti ''Zeus, '' uye Paulo ''Hermes,'' nokuti ndiye aiwa mutauli mukulu. 13 Mupilisita weZeus, wno tembele yaiwa kunze kwoguta adounza dhonza nonzombe pamasuwo; iye nowazinji waida kupa chibailo 14 Asi waapostola, Bhanabhasi naPaulo, wanzva nozvazvo, wakabvalula nguwo dzawo nokukulumbidza wakapinda muchaunga, wasichema, 15 Wanhulume, senyi mulikuita zvinhu izvi? Tili wanhuwo semi, tidosikiwawo zvidofanana nemi. Takukupalidzilai shoko lidonaka, tisiuuudzanyi kuti mutendeuke pazvinhu zvisina basa muende kuna Mwali mupenyu, uyo adosika denga, nonyika, nogungwa nozvose zvili maili. 16 Munguwa idopfuula, wakabvumila nyika dzose kufamba munzila dzose dzayaida. 17 Asi zvidodalo, haana kusiya pachake pasina mupupulili, naizvi adoita zvidonaka uye akakupasai mvula kubva kudenga kuti muwe nozvibeleko zvomwaka, akazadza mwoyo yenyu nochikafu uye nolufalo.'' 18 Nokuda kwomashoko aya, Paulo naBhanabhasi wakatadza kuchengetedza wanhu kuti walege kuwabaila. 19 Asi wamwe waJudha waibva Antikio uye Ikonio wakauya wakadzinga chaunga wakatema Paulo nomatombo uye wakamu zvuzvuludza kubuda naye muguta, wasifunga kuti wapfa. 20 Apo wadzidzi wainge adomila wakamutendeledza, akamuka uye akapinda muguta. Nozuwa linotewela wakaenda Derbe naBhanabhasi 21 Mushule mokupalidza shoko lidonaka muguta iloli uye nokugadza wamwe wadzidzi, wakadzokela kuListla, kuIkonio, uye Antiokio. 22 Wadolamba wasichengeta kusimbaladza mwoya yawadzidzi uye wasiwakuludzila kwawali kupfulila mbuli nokutenda wasiti, '' Tinefanihwa kupinda muumambo hwaDedza kubulikidza nokushunguludzika kwakanyanya. 23 Wakawa saludzila wakulu pakeleke yoga yoga, vakanamata nokuzvinyima zvokuja, wakaisa kunaShe, kune uyo wawanetenda. 24 Nokudalo wadopinda nomuPisidia, uye ndokusvika kuPamfilia. 25 Pawakataula shoko muPerga, wakabulikila Atalia. 26 Kubva ipapo vakaenda Antiokio nechikepe, ukokwawainga wakumikidziwa kunyasha dzaDedza nobasa lawanga wapedza 27 Pawadosvika Antiokio uye wakaungana mukeleke pabodzi, wose wadolondedzela zvose zvakanga waitihwa naDedza, uye wakanga wazalulila waHedheni mukowa wokutenda. 28 Wakagala nowadzidzi nguwa idolepa