1 Wamwe anhulume wadodzika wasibva Antiokio uye wakadzidzisa wana anhulume, wasiti, ''Kuyangwe makadzingisiwa zvineendelana nomulailo waMozisi, hamunga ponesewo''. 2 Izvo zvidoita Paulo na Bhanabhasi apikisane nawo. Saka Paulo naBhanabhasi , nowamwe pakati pawo, adosaludziwa kuti waende kumusolo kuJelusalema kuti wakasangane nowadzidzi nowakulu uye wakulu nokuda kwemubvunzo uyu. 3 Pakalepo, adotumiwa nocheche, kuti wadalike kusanganisila nopaFenike noSamalia paadotaula nozvokusangana kwowaHedheni. Wadounza mufalo kuana bhuti wose. 4 Paadouya kuJelusalema adotambihwa nokeleke, wadzidzi nowakulu, uye wakataula zvose zvawanga watumiwa naDedza. 5 Asi kune mumwe munhulume waitenda, waiwa wochikwata chawaFalisi akamila akati. '' Zvinefanihwa kuti udzingisiwe pabodzi nokulaila kuti achengete mulailo waMozisi.'' 6 Saka wadzidzi newakulu adoungana pabodzi kuti aiite nyaya iyi. 7 Mushule mekupikisana, Petulo adosimuka kati kwawali, ''Hama , muneziwa hele kuti zvidonaka kubva kale Dedza adotisaludzila pakati penyu, kuti nomulomo anyengeli anefanihwa kunzva shoko uye lochitendelo obva atenda. 8 Dedza aneziwa mwoyo, adowaedza nokuwapasa mwoyo Mwoya Mutsvene, sezvadoita kwatili. 9 Haana kuisa mukaha pakati pedu nawo, paado suka mwoyo yawo nokutenda. 10 Naizvozvo senyi tisiedza Dedza, kuti munefanihwa kuisa joko mumutsipa wowadzidzi adoita somadzibaba yedu kana watidobeleka.? 11 Asi tinetenda kuti tisaponesewa kubulikidza nonyasha dzaMambo Jeso, sozvaanga ali. 12 Luzinji lose kudolamba lidonyalala wasitetekela kuna Bhanabhasi naPaulo asitaula zvilatidzo nominana idoitiwa naDedza pakati poMahedheni kubulikidza nawo 13 Paadopedza kutaula, Jemusi adopindula, asiti, ''Hama , inzvai kwandili. 14 Simoni adotaula kuti senyi Dedza adotanga notsitsi dzake kubatsila maHedheni pachinzvimbo chokutola anodomewa nozita lake 15 Mashoko awapolofita akatsigilana nazvo, sezva zvazvidonyohwa, 16 Mushule mozvinhu izvi ndisadzoka ndisawaka zvakale chisose chaDhavhidha, yidodonha , ndisaimisa ndodzokela kuhutongi hwayo zvakale, kuti avo, 17 vatsvage Mambo kusanganisila Mahedheni washeedzewe nozita langu.' 18 Ndizvo zvinetaula Mambo, uyo adoita zvinhu kubva panguwa yokale. 19 Naizvozvo, ini ndineti ngatilege kugumbulisa avo pakati pawaHedheni watendeukila kuna Mwali. 20 Asi kuti tiwanyolele kuti walege zvidoshatisiwa nozvifananidzo, nohupombwe, nomunyama dzomhuka dzidodzipiwa, dzisina kubuditsa gazi. 21 Nokuti Mozisi aipalidza muguta loga loga munguwa yokale uye aizviwelenga musinagogi pasabata yoga yoga.'' 22 Nokudalo zvakaoneka zvidonaka nowapostola nowa kulu, nokeleke yose, kusaludza Judhasi ainzi Bhalabhasi, naSilasi, waiwa watungamili wokeleke, wakawatumila kuAntiokia naPaulosi naBhalabhasi. 23 Wadonyola izvi: ''Kubva kuwapostola nowakulu, hama dzenyu, kuhama dzochi Hedheni mu Antiokia, Silia, noKilikia: Mholoi! 24 Nokuti tanzva kuti wamwe wadobva kwatili, wasina kulaila kwatili, wadokukanganisai nokudzidzisa wachidziyanisa mwoya yenyu, 25 takaona zvakanaka kwatili, kuwa nomufungo mubodzi, kusaludza wanhulume kuwatuma kwamuli wadiwa wedu Bhalabhasi naPaulo, 26 wanhulume wadoisa upenyu hwawo panjodzi nokuda kwozita laIshe Jeso Kilisito. 27 Naizvozvo tilikutumila Judhasi naSilasi, wasakuudzai chinhu chibodzi pachawo nomashoko awo. 28 Nokuti Mwoya Mutsvene neisu tidoona zvidonaka, kuti tileke kukutakudzanyi mutolo kuzvinhu izvi: 29 kuti mubve muzvinhu izvi nozvibailo kuzvifananidzo, gazi, nozvidodzipiwa, nohupombwe. Kana mukazvichengeta kuzvinhu izvi, musaita zvakanaka. Salanyi zvakanaka.'' 30 Nokudalo, pawado kumutsiwa, wakabulukila Antiokia; wakasvinganidza wanhu wazinji pabodzi, wakawapasa tsamba. 31 Pawadowelenga izvi, wakafala nokuti waka kuludziliwa. 32 Judhasi naSilasi, nowapolofita, wadokuludzila hama nomashoko mazinji uye wasiwa simbisa. 33 Wakati wagala nguwa pakalepo, wakaenda nohama nolunyalalo kno wakawatuma. 34 35 Asi Paulo naBhalabhasi wakagala muAntiokia, wasidzidzisa nokupalidza { nowamwe wazinji wo} shoko laIshe. 36 Mushule momazuwa apfula Paulo akati kuna Bhalabhasi, ''Mbatichidzokelanyi zvino tikashanyile hama mumaguta mose mataipalidza shoko laIshe, tione kuti wakadii.'' 37 Bhalabhasi akada kuti waende naJohani wainzi Marko. 38 Asi Paulo kaona zvisina kunaka kutola Marko, akambowasiya muPamfilia akasaenda nawo kubasa. 39 Pakawa nokupesana kukulu, nokudalo wadopasanulana pachawo, uye Bhalabhasi adotola Marko naiye wakayambuka Kuplo. 40 Asi Paulo adosaludza Silasi akaenda, akaiswa nohama munyasha dzaIshe. 41 Akapinda nomuSilia noKilikia, asisimbisa keleke.