1 Paulo zvakale adouya ku Dhebhe uye ku Lisitilo, uye zvidodalo, mumwe wawadzidzi aiitiwa Timoti waiwapo, ipapo , mwanakomana womumwe muJudha waiwa mutendi, asi baba wake waiwa mu Giriki. 2 Uyo waiwa asigona kutaula nowana bhutu awo waiwa kuLisitila ne Ikoniamu. 3 Paulo waida kufamba naye nokudalo adomutola akanomuchecheudza nokuda kwe ma Judha aiwa munzvimbo dzakalemo, nokuti waiziwa wose kuti ababa wake waiwe muGiliki. 4 Pawaienda wasipinda nomumaguta, waipfuulano, wakasaludza wadzidzi nowakulu wecheche waiwa muJelusalema nokuti waililumbidza. 5 Naizvozvo macheche aiwa adosimbisiwa norutendo aiwedzela huwandu zuwa loga-loga. 6 Paulo nowaimutewela, wadoenda nomutunhu dzo`Filigia ne Galatia kubvila zvawakanga waudziwa noMwoya Mutsvene kuti wanopalidza soko munhalaunda dzo Asia. 7 Pawadosvika padhuze ne Misia, wadofunga kuenda Betiniya, asi Mwoya wa Jeso udowadziwilila. 8 Kokudalo wasipfula Misia, wadobva wadzika kuguta reTirosi. 9 Chilatidzo chidouya kuna Paulo madeko: Munhulume we Mesedonia wainga adomila pakalepo, asikumbila asiti, "Huyai muMasedonia yose uye mutibetsele. " 10 Paulo paadona chilatidzo, nokukulumbidza, tinofanila kuenda kuMasedonia, kusadzisa kuti Dedza watiseedza kuti tikapalidze shoko idonaka kwawali. 11 Wasigadzila kuyambuka kubva Tirosi, tinofanila kugadzila takalulama ku Samatilace, uye zuwa linotewela tineuya ku Nepolisi. 12 Kubva ikoko tebva taenda kuFilipi, iri iguta le Macedonia, chidonyanyo kosha inzvimbo uye dzoutongi woLomo uye nokugala muguta kwemazuwa adowanda. Nozuva lo Sabata tidoenda kunze kwosuolili kuhwizi, kwakaleko taifunga kuti tingawane pokunamatila. 13 Tidogala pasi uye tisitaula nomunhukadzi watidouya naye 14 Mumwe munhukadzi waitiwa Lidhiya, waiwa mutengesi wepepulu muguta re Tiyatira, wainamata Dedza, asitelela ishe wadovhula mwoyo wake kutelele zvaitahwa na Paulo. 15 Iye noimba yake pawadowombekewa, iye naisu asati, " kana manditonga kuti nditendele kuna Ishe, huyai mugale mumba mangu 16 Zvidouya sokudai, patainge tisienda panzvimbo yokunamatila mumwe mulanda wochisikana waiwa nomwoyo wokuwuka adotinongedza. Adounza akulu wake zvounyanya nokudza zvisozoitika. 17 Munhukadzi watewela kumashule kwa Paulo naisu adoseedzela, asiti , " Awa anhulume walanda wamwali ali kumusolo wono polidza kwamuli nzila yoluponiso, " 18 Adozviita kwomazuva mazinji. Asi Paulo, zvinonyanya kuti anyaudziwe naiye, adotendeuka akati kumweya, "Ndinokulayila iwe muzita ya Jeso Kilisito kuti ubulike maali", Uye adobva wabulika nguwa yakalewo. 19 Nokudalo wanatenzi wake pawadona kuti talilo yowo yokuwona nayo yaenda wadotandaidza Paulo na Silasi akawadzinga mumusika wokutengesela mushule mokupiwa mvumo. 20 Pawadounza kune mutongi wemhosva wadoti, " Awa anhulume awa wakutipa matambudziko muguta ledu. WaJudha 21 wanoita zvisili pamvumo yechiloma kutambila kana kuzvidzidza." 22 Nokudalo chaunga chidosimukila Paulo na Silasi vatongi vemhosva vadopalula nguwo dzawo uye vakalaila kuti valohwewe noshamu. 23 Kabva wawakandila mujeli uye wakalaila wachengeti wejeli kuti wawachengete. 24 Mushule mekupiwa mulailo wasungi wadowakanda mujeli lomukati akawasunga mumakumbo nocheni 25 Kwasvika pakati pousiku Paulo na Silasi wainamata nokuimba zvimbo zvaDedza, uye wamwe wasungwa waitetekela. 26 Ipopo padowa nokudengenyeka kukulu, nokudalo yojeli ikadzungudzika ; uye nokulumbidza musuo udovhulika, uye mubodzi nobodzi cheni dzidobva dzasungunguhwa. 27 Walindi wojeli pawadomuka kuhope wadobva waona masuo ejeli avhuhwa, adobva akanda uye adobva azvibaya pachake, nokuti waifunga kuti wasungwa watiza. 28 Asi Paulo adodeedza nodzinga likulu, asiti, ''Usazvikuwadza pachako, nokuti tilimo muno.'' 29 Zvino akati akumbila mwenje uye adopinda makalemo asidedela nokucha, akadonha pambeli paPaulo naSilasi, 30 uye akawabuditsa kunze akati, ''Vatenzi, ndoita senyi kuti ndidzikinuhwe.?'' 31 Wadoti tenda muna Mambo Jesu, uye usadzikinuhwa, iwe pabodzi noimba yako.'' 32 Wadobva wataula shoko yaIshe kwawali, pabodzi nowose waiwa muimba make. 33 Nokudalo musungi adowatola nonguwa yosele husiku, akawasuka maronda , uye iye pabodzi nowaiwa mumba imomo wado bhabhatidziwa nokulumbidza. 34 Adobva awinza Paulo naSilasi paimba yopamusolo uye akagadzila chikafu pambeli pawo, akapembela nowabiyake woimba yake kuti awakutenda nunaMwali. 35 Naizvozvo kwaiwa kwachena, mutongi womhosva akatuma shoko kuwalindi, asiti, ''Itanyi wanhulume awa waende .'' 36 Musungi adoudza mashoko kuna Paulo, asiti, '''Mutongi womhosva andituma noshoko kuti imi muende. Naizvozvo zvakadalo budai , uye muende mulunyalalo.'' 37 Asi Paulo adoti kwawali, ''Watibanzula paluzhinji tisina mhosva, kunyangwe zvazvo tili wazvizvarwa zvechiRoma - uye wadotikanda mujeli. Saka apa wakuda kutibuditsa chinyalalile? Kwete! Leganyi wauye pachawo watitungamilile kubuda.'' 38 Walindi wadoudza mashoko aya kumutongi womhosva, pawadonzva kuti Paulo na Silasi waiwa waRoma, wadocha. 39 Mutongi womhosva adouya akakumbila lulegelelo kwawali akawabulitsa kunze, akawakumbila kuti waende kunze kwoguta 40 Nokudalo Paulo naSilasi wadobva wabuda mujeli wadobva wauya mumba maRidhiya . Paulo naSilasi pawadoona wana bhuti, wakawakuludzila kuti wabude nokulumidza.