1 Zvino, pawapinda nomumaguta yoAmifiporisi no Apolononia, wakasvika muguta re Tesaronika , uko kwaiwa nosinagogi yomaJudha. 2 Pauro nowaifamba nawo, wakaenda kwawari, kwoma Sabata matatu yawakatenderana kubva kumagwaro. 3 Adobva avhura magwaro asitsanangura zvaifanihwa kuzoitika kuti Kirisito kuti asatambudziwa uye kuzomuka kuwadopfa. Adoti, ''Uyo Jeso wandinetaura ndiKirisito.'' 4 Naizvozvo wamwe waJudha waiwa wakatenda sewa wakabatana naPauro naSilasi, kusanganisira wa Giriki nowanhukadzi waikudziwa wazhinji. 5 Asi waJudha, waisatenda wadobva nogodo, wakatora wanhurume wadoipa panzvimbo yokutengesera, wakaungana nochaunga pabodzi, vakakanganisa guta. Wakawira imba yaJasoni, waitsvaka kuwinza Pauro naSilasi kuwanhu. 6 Asi hawana kuwaona, wakazvuzvurudza Jasoni nodzimwe hama pamberi mushure mowamwe wakuru woguta, wasichema, '' 7 Awa wanhurume watipandukira pasi rose wauya kamu kuno. Wanhurume awa watambihwa naJasoni waneita zvine pikisana nozvirewo zvaKesari; waneti kune umwe mambo - Jeso.'' 8 Wadobva wakanganisa chaunga nowatungamiri woguta pawadonzva zvinhu izvi. 9 Asi mushure wakatora wamiriri wakaita kuti Jasoni nowamwe wabhadhare mari yokuti wachengetedzeke, nokudaro akawaita waende. 10 Husiku hwakarewo hama dzakatuma wanaPauro naSilasi kuBerea. Pawadosvika kwakareko, wakaenda musinagogi yomaJudha. 11 Zvino wanhu iwawo wainzvisisa kudarika waTesaronika, wakatambira shoko nonjere dzose, wasipene ngura magwaro mazuwa ose wasinangara kuti ndizvo. 12 Naizvozvo waizinji wacho wakatenda, kusanganisira waifurira wanhurume nowanhukadzi wochi Giriki. 13 Asi waJudha nowa Tesaronika vachinzva kuti Pauro waiparidza shoko raMwari kuBerea, wakaenda kwakareko wakamutsa nokukanganisa chaunga. 14 Naizvozvo nokurumbidza, hama dzakatuma Pauro kugungwa , asi Silasi naTimoti wakagarapo kwakareko . 15 Awo waitungamira Pauro wadomutora iye kuenda naye kure kuguta roAtene. Pawaienda wadosiya Pauro pakarepo, wakapasiwa murairo kubva kwaari yaSirasi naTimotio kuti wauye kwaari nokurumbidza. 16 Zvino Pauro ainga adowamirira kuAtene, mwoya wake udonzva shungu kuona guta ridozara nozvifananidzo. 17 Nokudaro wainzvisisisana nomaJudha uye nowamwewo wainamata Mwari, nokwose kumusika nowose waiwapo. 18 Asi vamwe waEpikuro nowaStoiko vadochenjera vadoita nharo. Wamwe wadoti, ''Ko uyo mutauri wozvinamaturo akuti chinyiko?'' Wamwe wakati, ''Aneita kunge mumwe anesheedza wanhu kutewera wawamwari vasingazikaniwe,'' nokuti anoparidza shoko nokuda kwaJeso uyo rumuko. 19 Wakamutora Pauro wakamuisa kuAreopago, wasiti, ''Tineda kuziwa kudzidzisiwa kutsva kwauri kutaura? 20 Wawinza zvine chisa munzewe dzedu. Naizvozvo, tineda kuziwa zvinerewa zvinhu izvi.'' 21 {Nokudaro waAtene wose, nowatohwa waigara ipapo asina waipedza nguwa pasina asi pamwe kutaura kana kunzva zvitsva.} 22 Naizvozvo Pauro amire pakati poAreopago uye akati, ''Imi wanhurume wo Atene, Ndineona kuti munemamata chaizvo nonzira dzose. 23 Pandaidarika zvangu ndakacherekedza zvinhu zvamunenamata, ndidoona aritari ine chifananidzo, ''Kuna Mwari asingazikamwe.'' Zvino chamunenamata musingazivi, izvi ndizvo zvandekuudzai. 24 Dedza adosika nyika nezvose zviri mairi, Ishe wodenga nopasi, haagari tembere dzidowakiwa nomanja enyu. 25 Haashumihwe nomanja awanhu, soachinga achishaiwa chinhu,zvaari iye chaiye anopasa vanhu hupenyu nokufema nozvose. 26 Kubva kumunhu mubodzi adosika nyika inogara wanhu panyika yose, ogo tara nguwa dzidotemehwa muganu yokugara kwavo, 27 kuti watsvage Mwari kuti wawane nzira kwari kuti wamutsvake. Kunyangwe asiri kure kwemubodzi nobodzi wedu. 28 29 Maari tinerarama nokufamba nokuita chiito sokureva kudoita wamwe wanyori vechiimbo vasiti, ''Naizvozvo, zvatiri rudzi raMwari, hatifanihwe kufunga mhando yondarama, kana sirivheri, kana dombo- mifananidzo idosikiwa nojanja kana munananidzo womunhu. 30 Naizvozvo Mwali akalega hake kunangala panguwa yokusaziwa, asi adopa mitemo kumunhu wose wose kuti atendeuke. 31 Nokuti adogala akaita zuwa raasatonga pasi rose nokululama kumunhulume waadosaludza. Mwali adopasa umbowo kune wose pakumuka kuwadopfa. 32 Zvino wanhulume wo Atene pawadonzva zvokumuka kwowadopfa, wamwe wadonyomba Paulo; asi wamwe wadoti, ''Tisakutetekela kamu nokuda kwochiitiko ichi.'' 33 Mushule maizvozvo, Paulo akawasiya. 34 Asi mumwe munhulume adobatana naye akatenda, kusanganisila Dhionisio, nowamwe waaiwa nawo.