Mabasa Awapostola Chikamu 18

1 Mushule mozvinhu izvi Paulo adobva muAtene uye akaenda Korinte. 2 Kwakaleko akanosangana nomuJudha ainzi Akwila, chizvaarwa choPonto, uyo anga asangobva kuItalia nomunhukadzi wake Prisira, nokuti Kraudio wakanga alaila kuti waJudha wose wabve kuRoma. Paulo akaenda kwawali, 3 nokuti waishanda pabodzi, adogala nawo asishanda, nokuti basa yawo yaiwa yokugadzila matende 4 Nokudalo Paulo adotaulilana musinagogi Sabata yoga yoga akayedza kugombedzela vaJudha nowa Giliki. 5 Zvino Silasi naTimotio vakati vasidzika kubva kuMekedhonia, Paulo akazvimanikidz pachake noshoko, akapupulila waJudha kuti Jeso aiwa Kilisito. 6 Asi waJudha wadomupikisa uye nokumutukwana , Paulo adozunza nguwo dzake kwawali uye akati kwawali, ''Gazi lenyu ngaliwe pamusolo penyu; Ini handina mhosva. Kubva zvino ndisaenda kuwaHedheni. 7 Ipapo adobva pakalepo akaenda kuimba yaTito Justo, munhulume winamata Mwali. Imba yake yaiwa padhuze nosinagogi. 8 Krispo, mukulu wosinagogi, waitenda munaIshe, pabodzi nowaigala nawo mumba make; uye nowaKolinte wazinji wadonzva nozvazvo wakatenda uye wakabhabhatidziwa. 9 Ishe wadoti kuna Paulo husiku kuchilatidzo, ''Usacha, asi taula usanyalale. 10 Nokuti ndinewe, uye hakuna kana mubodzi asakukuwadza, nokuti ndine wanhu wazinji muguta lino.'' 11 Paulo adogala pakalepo kwogole nomwedzi mitanhatu, asiwadzidzisa shoko laDedza pakati pawo. 12 Asi zvino Galio akawa mutungamili woAkaya, waJudha wakamukila Paulo nopfungwa ibodzi uye wakauya naye pachigaro chokutonga; 13 wakati, ''Uyu munhulume anemanikidza wanhu kunamata Mwali zvisingabvumihwe nomutemo.'' 14 Paida kuti Paulo ade kutaula, Galio akati kuwaJudha, '' Imi waJudha, kudai yaiwa mhosva yezvisinakululama ndaifanihwa kupedzelana nemi. 15 Asi kana ili mibvunzo iyi malinge nomashoko nomazita uye nomulailo yenyu, gadzilisai pachenyu. Ini handishuwile kutonga mhosva iyi 16 Galio adoita kuti wabve pachigalo chokutonga. 17 Zvino wakabata waSosteni wose, mukulu wosinagogi, akawalowa pamhbeli pochigalo chokutonga. Asi Galio haana kuwa nohanya nozvawaiita. 18 Paulo, akati akagala pakalepo komazuwa adowanda, akasiya hama akaenda Silia nochikepe naPlisila na Akwila. Mushule mokunge asati abva pakabuluka chikepe, pa Kenklea, akagela vhudzi nokuti wakanga apika. 19 Pawakasvika paEfeso, Paulo adosiya Plisila naAkwila pakalepo, asi iye pachake akaenda musinagogi akataulilana nawo. 20 Pawakakumbila Paulo agale nawo kwonguwa idoleba, haana kutenda. 21 Asi akawonekena nawo, adoti, ''Ndisadzokela kwamuli kamu kana Mwali asida.'' Akabva paEfeso nochikepe. 22 Paulo paadosvika Kesali, akakwila akandomholesa keleke yopaJelusalema akadzika kuenda Antiokia. 23 Mushule mokunga apedza nguwa pakalepo, Paulo adobva aenda nomumatunhu yo Galatia noFiligia asisimbisa wadzidzi wose. 24 Zvino mumwe muJudha ainzi Apolosi muAlikisandila pakuzvaliwa, akabva auya kuEfeso. Aiwa nosimba pakutaula magwalo. 25 Apolosi wakanga adolailiwa mukudzidzisa nozvaIshe. Adoshingilila mumwoya, aitaula uye kudzidzisa nozva Jeso, asi waiziwa lubhabhatidzo laJohani. 26 Apolosi akatanga kutaula asingachi musinagogi. Asi Plisila naAkwila pawadomunzva , wakamutola wakamutola palitiwi uye wakabva wamutsanangulila nzila yaMwali. 27 Pakanga akushuwila kupinda nomu Akaya, hama dzidomukuludzilaiye kuti anyolele wadzidzi wokuAkaya kuti wamutambile. Paadosvika, adowabatsela zvikulu kuna wose waitendewa nonyasha. 28 Apolosi adopikisa zvinosimba waJu