1 Zvidouya soizvi apo Apolosi paaiwa muKolinte, Paulo adopfuula nopanyika yokumusolo asiuya nomuguta lowaEfeso, akaona wadzidzi pakalepo. 2 Paulo adoti kwawali, '' Mudogamuchila Mwoya Mutsvene pakutenda kwenyu hele?'' Wadoti kwaali, ''Aiwa, hatina kunzva nozvoMwoya Mutsvene.'' 3 Paulo adoti, ''Mudobhabhatidziwa nolubhabhaiidzo lipi?'' Wadoti, ''Nolubhabhatidzo laJohane.'' 4 Naizvozvo Paulo adopindula, ''Johani adobhabhatidza noluombeko lowanotenda. Adoudza wanhu kuti wanefanihwa kutenda kumubodzi uyo asazouya kumashule kwake, anowa, Jeso 5 Wanhu pawadonzva zvinhu izvi, wakabva wabhabhatidziwa muzita laIshe Jeso. 6 Nokudalo Paulo adoisa manja ake pamusolo pake, Mwoya Mutsvene udouya pamusolo pawo wakataula nondimi wakapolofita. 7 Wose waiwa wanhulume gumi nowawili 8 Paulo adoenda musinagogi uye akataula asingachi kwomwedzi mitatu, asitaula naye nozvo umambo hwaMwali. 9 Asi wamwe waJudha waiwa wadooma uye wasizvidza, wadotanga kutaula noNzila yozvidoipa pambeli pochaunga. Nokudalo Paulo adobuda pawali uye akatola wadzidzi naiye, akataulilana nawo mazuwa ose muchikolo choTilano. 10 Izvozvo zvidoitiwa kwomakole mawili, nokudalo wose wakanga wakagala paAsia wakanzva shoko laIshe, wose waJudha nowa Giliki. 11 Dedza waiita zvishamiso zvineshamisa kubulikidza namanja aPaulo, 12 nokudalo micheka nonguwo zvaibva pamuwili wake zvaisiwa kuna waihwala nozvihwele zvawo zvidowalegedza uye mwoya idoipa yakabuda pawali. 13 Asi paiwa nowamwe waJudha wawuki waifamba nomunzvimbo. Waishedza zita laIshe Jeso pamusolo pawaiwa nomwoya idoipa wasiti,'' Na Jeso unopalidziwa naPaulo, ndinekulaila kuti ubude.'' 14 Mupilisita mukulu wawaJudha, zita yake ainzi Skevha, aiwa nowana anhulume wanomwe waita izvi. 15 Mwoya udoipa udowapindula kwawali, ''Jeso ndine muziwa, uye Paulo ndemuziwa; asi imi ndimi ani?'' 16 Ipapo mwoya udoipa wakawamukila ukawakulila simba ukawabanzula wose. Wadobuda panze wose wakasutula wane zvilonda. 17 Izvi zvidoziwikaniwa nowose, wose waJudha nowaGiliki, waigala paEfeso. Wakabatiwa nokucha, uye zita yaIshe Jeso yakakudziwa. 18 Zvino wazinji wowaya waitenda waiuya wasileulula nekulondedzela mabasa adoipa awaiita. 19 Wazinji waiita zvomapipi wadounza mabhuku pabodzi wakayapisa munhu wese asiona. Pawadowelenga mutengo wazvo zvese, zvaisvika masilivha ano zviulu zvishanu. 20 Nokudalo shoko laMambo lidopalila kwose kwose likakula nosimba. 21 Zvino mushule mokunga Paulo padopedza kupalidza muEfeso, akafunga muMwoya kupfula noMakedhonia nomuAkaya kuenda Jelusalema; adoti, ''Mushule mokunga ndili pano, Ndinefanihwa kuona Loma wo.'' 22 Paulo adowatuma kuMakadheniavavili vaiwashumila, Timotio na Elasto. Asi iye pachake adogala muAsia nguwa idiki. 23 Zvino nonguwa yakaleyo bongozozo likawapo muEfeso pamusolo paNzila iyo. 24 Mumwe mupfuli wosilivheli ainzi Dhemetlio, waigadzila zvifananidzo zvosilivheli zvaDhiana waifumisa chaizvo mhizha dzapo. 25 Nekudalo adowasvinganidza pabodzi nowamwe wabati wozvidodalo uye akati, ''Wanhulume, muneziwa kuti basa ili tinewana mali idowanda. 26 Zvino muneona uye kunzva kuti, hamusi muno chete muEfeso, asi kwese kuAsia, Paulo uyu wakatendisa nokutsaula wanhu wadowanda. Akutaula kuti hapana wana mwali wadogadziwa nomanja. 27 Zvino ndiyo njodzi kuti hausi umhizha wedu kuti usazodiwa, asi zvakale tembele yamwali munhukadzi mukulu Dhiana isaonekwa seisina basa. Zvakale asapela hukulu hwake, uyo anenamatiwa noAsia yose uye noyika yose.'' 28 Pawadonzva izvi , waktsamwa zvikulu uye wakalila, wasiti, Mukulu ndi Dhiana woEfeso.'' 29 Guta lose lidokanganisiwa zvikulu, uye wanhu wakamhanya nomwoyo mubodzi panzvimbo paitambiwa mutambo. Wadobva watolela Paulo wanhu waaifamba nawo, Gayo na Aristarko, wadobva kuMakedhonia. 30 Paulo akada kupinda nopakanga pano chaunga chowanhu, asi wadzidzi wakamudziwilila. 31 Zvakale, nowamwe wakulu woguta waAsia waiwa shamwali dzake wakatumila shoko wasikumbila kuti asapinde paitambihwa mutambo. 32 Wamwe wanhu waishedzela chinhu chibodzi, wamwe wasishedzela zvimwe, nokuti chaunga chakanga chawa nonyonganiso. Wazinji waisaziwa zvaita kuti waungane pabodzi. 33 Chimwe chaunga chidobuditsa Aleksandlo, uyo waisandudzihwa kumbeli nowaJudha. Nokudalo Aleksandlo akasimudza janja lake, asida kuzvidziwilila pambeli powanhu. 34 Asi pawadoziwa kuti muJudha, wose wadolila kwonguwa dzinenge mbili nodzinga libodzi, wasiti, ''Mukulu ndiDhiana woEfeso. 35 Zvino munyoli woguta wakanyalalidza chaunga, akati, ''Imi wanhulume woEfeso, munhu ndeupiko asingaziwe kuti guta lawaEfeso itembeli inochengeta mukulu Dhiana uye chifananidzo chidonha kubva kudenga? 36 Usiona kuti zvinhu izvi hazvilambike, unefanihwa kunyalala uye hamufanihwe kumhanya. 37 Nekuti mauya nowanhulume awa kudale wasat wali mbavha dzotembele kana washoli wamwali mukadzi wedu. 38 Naizvozvo, kana Dhametlio uye nodzimwe mhizha dzinaye wanemhosva nomumwe munhu, mitongo yavhuhwa uye watongi walipo. Nawakwililane hawo. 39 Asi kana musitsvaka dzimwe mhosva, zvisagalihwa pasi paungano yakafanihwa. 40 Nokuti chokwadi tili panjodzi pazuwa lanhasi. Nokuti hapana chakonzela bope ili, uye hatikwanisi kuzvitsanangula.'' 41 Paadotaula izvi, adobva akumutsa wanhu.