Mabasa Awapostola Chikamu 20

1 2 3 Mushule mokunga bopoto lapela, Paulo adotuma wadzidzi akawakuludzila, akawalaila akawasiya akaenda kuMakedhonia. Padopinda nomatunhu akataula mashoko mazinji asiwakuludzila, akabva aenda kuGiliki. Mushule mokupedza mwedzi mitatu, pakaita langano idoipa nomaJudha 4 Adopelekedzewa kule sokuAsia naSapatro aiwa mwana wamunhulume waPilo aibva Belea; Alistako naSekundo aibva kuwatendi woTesalonika; Gayo weDerbe; Timotio; naTitiko naTrofimo aibva Asia. 5 Asi anhulume awa wadoenda pambeli pedu wakatimilila pa Troa. 6 Takayambukila Filipi mazuwa ezvingwa zvisina mbiliso, mumazuwa mashanu takauya kwawali muTroa. Wakagala mazuwa manomwe. 7 Pazuwa lokutanga lovhiki, tainga tidosvingana pabodzi pakumhedula chingwa, Paulo adotaula kuwatendi. Ailonga kuzobuda muzuwa inotewela, adolamba asitaula kusvika pakati pousuku. 8 Makanga muine mwenje mizinji muimba yopadenga pawadouya pabodzi. 9 Pawindi paiwa nomunhulume wochidiki aiwa adogala ainzi Yutiko, aiwa adobatiwa nohope chaizvo. Paulo paailamba asipalidza, munhulume uyu, achilamba adoyenzela, akadonha pasi asibva paimba yochitatu akanhongewa atopfa. 10 Asi Paulo akadzika pasi, akazviwisila pamusolo pake, akamuvhungatila. Ipapo akati, ''Musaita bopoto, nekuti mweya wake uchili maali.'' 11 Ipapo adokwila kamu paimba yopamusolo uye akamhedula chingwa akaja. 12 Mushule mekutaula nawo ngowa lefu kusvikila kwachena, adobva aenda. Vakauya naye ali mupenyu wakanyaladziwa chaizvo. 13 Isu pachozvedu takatungamila pambeli paPaulo nochikepe tikayambuka ku Aso, pataiwa talangana kutola Paulo. Izvi ndizvo zvainga zvalonga kuti azoite, nokuti aida kufamba notsoka. 14 Patidosangana paAso, tikamutola muchikepe tikaenda Mileto. 15 Tidobva ipapo takayambukila takasvika mangwana acho pakatalisana nochitsuwa cho Kiyo. Nozuwa lidotewela takabata chitsuwa chepa Samo, muzuwa lomangwana acho takasvika muguta leMileto. 16 Nokuti Paulo ayiti achayambukila nopa Efeso, kuti asazopedza nguwa paAsia; nokuti waimhanyila kuwa muJelusalema pamauwa ePentekosta, izvi zvaiwa nyole kuti azviite. 17 Kubva paMileto akatuma wanhulume kuEfeso uye akadeedza wakulu wecheche. 18 Pawadouya kwaali, akati kwawali, ''Imi pachezvenyu muneziwa, kubva pazuwa lokutanga pandatsika notsokadzangu paAsia, kupedza kwandaita nguwa yangu nemi. 19 Ndabatila Ishe nekuzvininipisa nomwoyo uye nomisodzi, nokuyedzewa kudoitika kwandili nokuda kwokulangana kwowa Judha. 20 Munezviziwa kuti ndakaita izvi kuti ndisachengete kuti ndisaite chakanga chisina basa kwamuli, uye kukufundisai palizinji, paimba noimba, 21 ndisipupula kwamuli mose maJudha nomaGikliki nekuda kwekutendeuka malinge naMwali nokutenda kuna Ishe Jeso. 22 Zvino nangalanyi, ndakuenda kuJelusalema, ndido manikidziwa paMwoya, handiziwe zvisaitika kwandili kwakaleko, 23 asi Mwoya Mutsvene unendipupulila muguta limwe nolimwe kuti kusungiwa nokutambudzika zvakandimilila. 24 Asi ini handione hupenyu hwangu hwakandikoshela, kana chete ndandopedza hwendo hwangu uye nobasa landakagamuchila kuna Ishe Jeso, kupupula shoko nenyasha dzaDedza 25 Zvino nangala, ndineziwa kuti imi mose, pakati poawo wandidoenda nawo nokuda kwokupalidza humambo, hawachazoone chiso changu kamu. 26 Naizvozvo ndine pupula kwamuli zuwa lakalelino, kuti ndili gazi lisina mhosva yechelo munhu. 27 Zvandisina kubata chitema kumashule ndisitanga kwamuli kuda kwose kwaMwali. 28 Naizvozvo ngwalilanyi pachozvenyu, uye nokuda kwoboka lose loMwoya Mutsvene uyo udokunongedzai kuwatalili. Ngwalilanyi kuwafudzi wecheche yaMwali, awo wadotengewa nogazi lake. 29 Ndineziwa mushule mokuenda kwangu, mapele anepaladza asauya pakati penyu asingalege boka. 30 Ndineziwa pakati penyu pasamuka anhulume vasataula zvinepesanisa kuti watsautse wadzidzi wawatewele. 31 Nazvozvo lindanyi. Langalilanyi pamakole matatu handinaa kumila kuyambila kumubodzi wenyu husiku nomasikati. 32 Zvino ndinekuisai kuna Mwali noshoko lonyasha, lineita kuti muwake uye kukupasai nhaka pakati poawo wose wakaitiwa wakanaka. 33 Handina kuchochola silivheli, ndalama , kana nguwo dzomumwe munhu. 34 Imi pachezvenyu muneziwa manja aya ane anonunula zvizinji zvandineda uye zvido zvowese wandaiwa nawo. 35 Kune zvinhu zvose zvandido kupasai muenzaniso wokuti muneyamula wadoneta nokuwabatsila, uye kuti munelangalila senyi mashoko aIshe Jeso mashoko adetauhwa naaiye: 'Zvidokolehwa kupasa pane kutambila. 36 Mushule mokutaula nonzila iyi, adopfugama uye adonamata nawo wose. 37 Pakawa nokulila kukulu uye wakawila pamutsipa waPaulo wakamutsvoda. 38 Wazinji wakatsamwa nokuda kwozvidotauhwa naye, kuti hawasaona chiso chake kamu. Wkamutewela kuchikepe.