1 Zvino takati tapaladzana nawo takakwila chikepe, takalulama kusvika muguta loKose, nozuwa lamangwana muguta loRode, tikabvo, tikasvika Patala. 2 Patidona chikepe chaiyambukila Finikia, tikapinda mukati macho tikaenda. 3 Mushule taona Silia, tisipfula nokuluboshwe kwogwati, tidoyambukila Silia uye tikanobulukila paTila, nokuti chikepe chaifanihwa kututunula mutolo wacho pakalepo. 4 Mushule takaona wadzidzi tikagalapo kwomazuwa manomwe. Kubulikidza noMwoya wailamba kuti Paulo alege kuenda Jelusalema. 5 Mazuwa edu paadopela, takabuda takapinda munzila yedu, nowanhukadzi wawo nowana, wakabatana nesu kududa muguta. Ipapo takapfugama pamhembelekedzo, tikanamata, 6 uye tikaonekana kune mumwe nomumwe wedu. Ipapo tidobva tanokwila chikepe, uye wakadzokela kumba. 7 Patidopedza hwendo hwedu tisibva Tile, tidosvika Tolemai.Kwakaleko takamholesana nohama tikagala nawo zuwa ibodzi. 8 Nolomangwana takabvapo tikaenda Kesalia. Tidopinda mumba ma Filipo, muevhangeli, mubodzi wowanomwe, uye tikagala nawo. 9 Zvino munhulume uyu aiwa nowakunda wana mhandala waipolofita. 10 Patidogala pakalepo kwomazuwa, kudouya mupolofita ainzi Akabo akabuluka asibva Judhea. 11 Akauya kwatili akatola bhanile laPaulo. akazvisunga makumbo nomanja ake uye akati, ''Mwoya Mutsvene unolewa kudai, Saizvozvo waJudha womuJelusalema sungai munhulume uyu nobhanile lake, uye mumuise mumanja owaHedheni.'' 12 Patidonzva zvinhu izvi, tose nowanhu waigala ipapo takayambila Paulo kuti alege kukwila Jelusalema. 13 Ipapo Paulo adopindula, ''Muli kuitenyi, musichema nokupaladza mwoyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzilila kusungiwa, asi kufila muJelusalema nokuda kwozita laIshe Jeso.'' 14 Zvino Paulo akati achilamba, tidolamba tidonyalala uye iye akati, ''Kuda kwaIshe ngakuitiwe.'' 15 Mushule momazuwa aya, takatola hombodo dzedu tikakwidza Jelusalema. 16 Kwakaleko takaenda newamwe wadzidzi waibva Kesalia. Wadounza munhulume ainzi Mnasoni, munhulume weKuplo, mudzidzi wekale, watinegala naye. 17 Zvino takati tisisvika Jelusalema, hama dzakatitambila nomufalo. 18 Fume mangwana Paulo akaenda nesu kuna Jakobho, nowakulu wose waiwapo. 19 Paadowa mholesa, ndokuwalondedzela chibodzi nochibodzi zchidoitiwa naMwali pakati powaHedheni nobasa lake. 20 Pawadonzva izvi, wadolumbidza Mwali, uye wakati kwaali, ''Uneona , hama, zviulu zvingani zvawaJudha zvinetenda. Wose wadoshingaila mulailo. Wose wanoshingailila mulailo. 21 Wakaudziwa nozvako , kuti une fundisa waJudha wanogala nowaHedheni kuti walambe Mosesi, uye walege kudzingisa wana wawo, kana kufamba mutsika dzomulailo wekale. 22 Zvino tediniko? Wasanzva zvawo kuti wasvika. 23 Nokudalo ita zvatinekutaulila. Tino wanhulume wanomwe wakazvisunga nokupika. 24 Tola anhulume awakuti uzvinatse kwawali, uwalipile, wagogela musolo yawo. Ipapo wasaziwa kuti zvinhu zvidetauhwa pamusolo pako makuhwa. Wasadzidza kuti unetewela mulailo. 25 Asi kana wali waHedheni wakatenda, tidonyola kuti uye kuwapasa mulailo kuti wanefanihwa kusachengeta pachawo zvinhu zvidodai pazvibayihwa nozvifananidzo, nogazi nozvidodzipiwa nohupombwe.'' 26 Ipapo Paulo akatola anhulume, nozuwa laitewela akazvichenesa pachake nawo. Akaenda mutembeli, kuti aziwise kupela kwomazuwa okunatsa kuti asazadzikisiwa kusvikila umwe nomumwe abayila chibayilo 27 Zvino mazuwa manomwe akati apfuula, wamwe waJudha waibva Asia, wasiona Paulo mutembeli, wakamutsa wazinji wakaisa manja kwaali. 28 Wakashewedzela, '' Wanhulume wo Islaeli, tibatsilenyi. Uyu ndiye munhu anedzidzisa wanhu kwose kwose zvinhu zvinepesana nowanhu, mutemo, nonzvimbo. Uyezve, adouya nowaGiliki mutembele akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.'' 29 Nokuti wakanga waona Tlofimo muEfeso anaye muguta, wakati zvimwe Paulo wauya naye mutembeli. 30 Ipapo guta lose lakafalisa, uye wanhu wadomhanya pabodzi wakabata Paulo. Wakamuzvuzvuludza kunze kwetembeli, mikowa ikavhaliwa pakalepo. 31 Pawaiedza kumubaya, shoko likauya kumukulu wochulu wowalindi kuti Jelusalema yose yamukilana. 32 Iye akatola pakalepo vahwi nowakulu wozana akabuluka asimhanya kwawali. Wanhu pawadoona mukulu womauto nowahwi , wakalega kulowa Paulo. 33 Zvino mukulu womauto akasvika akamubata Paulo, uye akalaila kuti asungwe namaketani mawili. Akabvunza kuti ndianiuye kuti aiiteiko. 34 Wamwe pakati pochaunga waishedzela chimwe chinhu wamwe chimwe chinhu. Mukulu wamauto haana kutaula chimwe chinhu nokuda kwoluzha, akalaila kuti Paulo aisiwe kuimba yawahwi. 35 Akati asisvika pazvikwiliso, aknga adotakuhwa nomauto nokuda mhilizhonga. 36 Nokuti chaunga chowanhu chaimutela vasisheedzela, ''Mubvisei!'' 37 Paulo paainga akuda kuisiwa muimba yavahwi, adoti kumukulu wewahwi, '' Ndingataulawo chimwe chinhu kwamuli?'' Mukulu wewahwi akati, ''Unetaula chiGiliki hele? 38 Ko hausi muIjipiti wakadeya kukanganisa wanhu uye kutungamila anhulume vane zviulu zvina 'Assassins' kulenje hele?'' 39 Ipapo Paulo akati, ''Ndili muJudha, anebva muguta loTarso mu Kilikia. Ndili chizvahwa choguta lidokosha. Ndinekukumbilanyi, nditendelenyi kutaula nowanhu.'' 40 Mukulu womauto paado muoasa mvumo, Paulo akamila pazvikwiliso kaninila wanhu nojanja lake. Pakaita lunyalalo lukulu, akataula bawo nomutaulo wechiHebhelu. Akati,