Mabasa Awapositoli Chikamu 8

1 Saulo aiwa nochibvumirano nokupfa kwake. Nokudaro nonguwa iyoyo kereke yopaJesusarema yakatambudziwa zvikuru; uye wanotenda wose wakaparadziriwa kumatunhu yose yoJudhia noSamaria, kusara kowapositori. 2 Wanhurume wakarurama wakawiga Stefano wakamurira zvikuru. 3 Asi Saulo akaedza kuparadza kereke. Akapinda imba yoga yoga, akabata wose anhurume nowanhukadzi, akawaisa mutirongo. 4 Zvino awo wakaparadziwa wakaenda wasiparaidza shoko. 5 Firipi akadzika noguta roSamaria uye asiparidza Kirisito. 6 Chaunga chowanhu wakanatsotetekera izvo zvaitauhwa naFiripi; nopfungwa dzibodzi vakamunzva, uye wadoona zviratidzo zvaaita. 7 Mwoya idoipa idobuda kuno awo waiwa wazadziwa nayo, isirira nomazwi aripamusoro, uye wazinji waiwa wadopfa mutezo nowaikamhina wakaporesewa. 8 Nokudaro makawa nokufara kukuru muguta. 9 Asi kwaiwa nomumwe munhurume muguta ainzi Simioni, mushure aiwa n'anga. aishamisa wanhu woSamaria asizviita munhu mukuru. 10 WaSamaria wose kubva kuwadiki kusvika kuwakuru, wakamutetekera; wakati, 11 ''Uyu munhurume isimba guru raMwari rinenzi Guru.'' Waitetekera kwaari nokuti aiwashamisa nohun'anga hwake kwonguwa idoreba. 12 Asi watenda kuna Firipi paaiparidza nozvoumambo hwaMwari nozita raJeso Kirisito, wose wado bhabhatidziwa, wose wanhurume nowanhukadzi. 13 Kunyangwe Simioni akatenda, uye mushure mokubhabhatidziwa akagara na Firipi nguwa yose. Paakaona zviratidzo uye nomabasa aitora nzvimbo, akashamisiwa. 14 Naizvovzo waapostora waiwa muJerusarema pawadonzva kuti Samaria idotambira shoko raMwari, wakatuma Petro naJohani. 15 Pawakaburikira ko wakawanamatira, kuti wagamuchire Mwoya Mutsvene. 16 Sezvo nonguwa iyoyo, Mwoya Mutsvene waiwa usina kusvikika chero pamusoro poumwe wavo; waiwa wakabhabhatidziwa muzita raIshe Jeso. 17 Nokudaro Petro naJohani wakaisa manja pamusoro pawo, uye wakagamuchira Mwoya Mutsvene. 18 Zvino Simioni paadoona kuti Mwoya Mutsvene wakapasiwa nokuturika 'manja, nowapostora akawapasa mari. 19 Adoti, Ndipasei simba iri, kuti, kune wose wandinenge ndaturika manja abatiwe noMwoya Mutsvene.'' 20 Asi Petro akati kwaari, ''Sirivheri yako mbaiparadziwe pabodzi neiwe, nokuti udofunga kutenga chipo chaMwari nomari. 21 Hauna chikamu kana mugovepachinhu ichi, nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. 22 Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako,uye unamate kunaIshe, kuti zvimwe ukanganihwe murangariro womwoyo wako. 23 Nekuti ndineona kuti wapinda menduru inewawa uye muzvitema. 24 Simioni akapindura uye akati, ''Mundinamatire zvikuru kunaIshe, kuti parege nokuwa zvineitika pane zvamataura.'' 25 Zvino wakati wapupura kwazvo nokutaura shoko raIshe, Petro naJohani wakadzokera Jerusarema, wasiparidza shoko mumisha yomaSamaria. 26 Naizvozvo mutumwa washe akataura naFiripo uye akati, ''Sumuka uende kuchamhembe kunzira inodzika kubva Jerusarema kuenda kuGaza.'' [Nzira iyi iri murenje.] 27 Akasimuka akaenda. Zvino kwakanga kuno mumwe munhurume aibva Etiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi wewaEtiopia. Waichengeta pfuma yake yose. Akanga auya Jerusarema kanamata. 28 Wakanga akudzokera adogara mungoro yake, uye aiwerenga muporofita Isaya. 29 Mwoya udoti kuna Firipo, ''Énda uye ukagare padhuze nongoro.'' 30 Nekudaro adomhanya kwaari, uye akumunzva asiwerenda muporofita Isaya, uye akati, ''Ukuzvinzva zvauri kuwerenga here?'' 31 Iye akati, ndingagone senyi, kana mumwe asingandidudzire?'' Adokumbira Firipi kuti auye mungoro agare naye. 32 Zvino ndima yomagwaro yaiwerengewa nomuEtiopia yaiti, ''Wakaisiwa pakubaiya sogwai uye sogwayana ridonyarara pamberi pomubai waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. 33 Pakuzvidziwa kwake nokutongewa kwake kwakabvisiwa kwaari; Ndianiko asarondedzera dzinza rake? Nekuti hupenyu hwake hunobvisiwa panyika 34 Nokudaro muranda akabvunza Firipi, uye akati, ''Ndinekumbira kwauri, ndiudze kuti ndiani muporofita anetaura aniko asidaro?'' 35 Firipi adotanga kutaura, uye akatanga magwaro asiparidza shoko kwaari nozva Jeso 36 Pawainga wasifamba munzira, wakasvika panomvura muranda akati, ''Nangara, pano mvura pano. Chinyi chingatadzisa kubhabhatidziwa?'' 37 38 Nokudaro muEtiopia adoraira kungoro kuti imire. Wadofamba vasidzika kuenda kunemvura, wose Firipo nomuranda , uye Firipo adomubhabhatidza. 39 Pawadobuda mumvura , Mwoya waIshe udotora Firipo, uye muranda wakaona asisibo, asi akaenda asifara. 40 Asi Firipo akazowonekewa paAzoto uye akafamba nomudunhu iri, asiparidza magwaro kuma guta ose kusvika kuKesaria.