Mabasa Awapositoli Chikamu 7

1 Mukulu wemapilisita adoti, ''Izvi zvinhu ichokwadi?'' 2 Stefano adoti,'' Anabhuti nowana baba, musitetekela kwandili: Mwali mutsvene azvilatidza kuna wana baba wedu Abhulahamu paaiwamu Mesopotamia, asti aebuda muHarani; 3 adoti kwaali, Ibvai munyika yako nohama dzako, uende munyika yandisakulatidza.'' 4 Ipapo akabuda munyika yoKdhiya akanogala kuHalani; kubva ipapo, mushule molupfu rababa wake, Mwali wadomuunza panyika ino, pauli kugala izvozvi. 5 Asi haana kumupasa nhaka , kana, kunyangwe paadotsika nolutsoka rake. Asi adomuwimbisa- kunyangwe zvazvo Abhulahamu akanga asina mwana- wasangomupasa iyo yake nevana vaizomutetekela. 6 Mwali adotaula kwaali sezvizvi, wana wake wasawa watohwa kunyika yawamwe wasaita walanda nokuwaonesa nhamo makole ana mazana mana. 7 'Asi ndisatongesa ludzi hwavachawa walanda wahwo Mwali wakataura. 8 Ipapo Mwali adopasa Abhulahamu akazobeleka Isaka akazomudzingisa nozuwa lolusele, Isaka akazobeleka Jakobho, naiyewo Jakobho akabeleka gumi nowawili. 9 Nokuti madzitateguru wakakanga wadowenga Josefa, wakamutengesa wakamuisa Egipita asi Mwali akawa naye 10 uye adomuhwila nhamo dzake dzose. Akapasa Josefa kuti adikanwe na Falawo mambo weEjipita awe nokuchenjera pamberi pake iye adomuita mutariri weEjipita noweimba yake yose. 11 Zvino nzara hulu idosvika paEjipita yose neKenani nenhamo ikulu madzibaba edu adoshaiwa zvokudya. 12 Zvino Jakopo adoti anzva kuti Ejipita kune zviyo pakutanga adotuma madzibaba edu. 13 Pahwendo hwepili Josefa adoziwikamwa nawakulu wake ludzi hwaJosefa ludoonekwa naFarawo. 14 Zvino Josefa adotuma kodeedza Jakobo baba wake nohama dzose wanhu waiwa makumi manomwe nowashanu. 15 Jakobo adobulukila Ejipita adofa iye nomadzibaba edu. 16 Vadotakuhwa kuenda Shekem wadowigwa pahwalo hwakanga hwatengewa naAbhurahama nomutengo wesilveli kuwanakomana weHomar paShekemi. 17 Zvino nguwa yochipikihwa chakanga chapikihwa Abhurahama naMwali achisvedela wanhu wakawanda wakaita wazhinji muEjipita. 18 Kusvikira umwe mambo adomuka muEjipita wakanga asina kuziva Josefa . 19 Iye adobata ludzi hwedu nomano adotambudza madzibaba edu adowalaila kuti walege kulalamisiwa. 20 Nenguwa iyoyo Mozisi adobelekewa wanga adonaka kwazvo adobelekewa mwedzi mitatu mumba mababa wake . 21 Zvino anoti alasiwa kumunda waFalao adomunhonga adomulela kuti awe mwana wake. 22 Mosizi adodzidzisiwa huchengeli hwose hwawaEjipita akawa nosimba pamashoko nomabsa ake. 23 Zvino anoti asvika makore makumi mana moyo wake ukada kushanyira hama dzake wana Israel. 24 Akaona mumwe achiitihwa zvisakarurama ndokumuhwila adomubaya muEjipita achitsiwa wakanga asitambudzika; 25 waifunga kuti zvimwe hama dzake dzainzwisisa kurwirwa kwawaiitwa nojanja laMwali, asi vaisazvinzwisisa. 26 Nezuva lomongwana akaona wanhu rume wawili wachikakavara akaedza kuwayananisa adoti anhu lume imi, muli hama munoitilana zvisakalulama neiko? 27 Zvino iye akanga asiitira vekwake zvisadolulama akamusindila kule asiti ndiyaniko adokuita mutongi wedu? 28 Unoda kundibaya sezvawaudobaya Egipita kani? 29 Mozisi adotiza achinzva shoko ilo akanowa mutohwa munyika yemidioni kwaakanobeleka wana komana wawili . 30 Zvino makole makumi mana adoti apela mutuma adoonekwa naye mulenje legomo Sinai, mumulazvo wemoto mugwedzi. 31 Mozisi adoti asiona adoshamisika nezvadoona zvino adoti achiswedela kuzochelechedza inzwi laMwali likanzvika lisiti, ndiyani, 32 Ndini Mwali wamadzibaba ako Mwali waAbhurama, nowaIsaka.,nowaJakobo. Ipapa Mozisi akadedela adocha kuchelekedza. 33 Zvino Ishe adoti kwaali,'Bvisai shangu patsoka nokuti apo paudomila imvu lidonaka. 34 Ndidoona kutambudzika kwazvo kwawanhu wangu wali muEgipita ndakanzwa kugomela kwazvo;Ndabuluka kuzowahwila; zvino huya,ndikutume Egipita; 35 " Mozisi adolamba asiti ndiyani,adokuita mubati womutongi?-ndiye adotumiwa naMwali nomutumwa adowonelewa naye mugwenzi kuti awe mubati wamudzikinuli. 36 Mozisi adowabudisa adoita zvishamiso nezvilatidzo munyika yoEgipita nopagungwa dzvuku, nomuleje makole anamakumi mana 37 .''Ndiye Mozisi adoti kuwana waIslaeli Mwali usakumutsilai mapulisita pakati pohama dzenyu, adofanana neni; 38 Ndiyezve akanga ali kuungano mulenje adotumiwa adotaula naye mugomo loSinai madzibaba edu adogamuchila mashoko mapenyu kuzotipa. '' 39 Iwo wakanga wasingadewo kumulemekedza madzibaba edu, wadomulamba wadedzokela Egipita nemoyo yawo. 40 Wadoti kuna Aloni tiitile waMwali wangatitungamilila. Nokuti kana ali Mozisi, adetibudisa munyika ye Egipita ,hatiziwe zvideitika naye ; 41 Zvino wadoita mhuru namazuwa iyayo uye wakauya nochibayiro kuchimufananidzo chawo, uye wafira nokuda kwomabasa omanja yawo. 42 Asi Mwari wakatendeuka uye adowarega kuti washumire nyenyedzi dzodenga, sezvazvidonyohwa mumabhuku owaporofita, 'Ko munendiwinzira zvipfuyo zvidobaiwa uye zvibailo kwomakore makumi mana murenje, iwe imba yoIsiraeri? 43 Mudogamuchira tebhenekeri yaMoriki uye nonyenyedzi yamwari wenyu Remfani, uye zvifananidzo zvamudoita kuti muzvinamate: Ndisakukurai mberi kwoBhabhironi.' 44 ''Madzibaba edu aiwa notebhenekeri yochapupu murenje, sokuraira kudoitiwa naMwari paaitaura naMozisi, kuti aite mufananidzo wozvadoona. 45 Mushure, madzibaba edu pasi paJoshua, wakatambira tebhenekeri uye wakauya nayo pawakatora nzvimbo. Mwari vakatora nzvimbo panyika zhinji uye akawadzinga kure pamberi pomadzibaba yawo. Tebhenekeri idoramba iripo kusvikira panguwa yaDhavhita, 46 iye adozopasiwa nyasha pamberi paMwari, uye adokumbira kana akawana pokuwakira nzvimbo yaMwari waJakobho. 47 Asi uyo aiwa Soromoni akadowaka imba yaMwari. 48 ''Nokudaro, Wokumusoro haagare mudzimba dzidowakiwa nomanja, sekurehwa kwazvinoitiwa nowaporofita, 49 'Denga ndicho chigaro changu choushe, uye nyika chitsiko chotsoka dzangu. Imba yorudzi yamuneda kundiwakira? ndezvinotaura Ishe, kana nzvimbo yandingazorore pairi ndoipi? 50 Ko manja angu haana kuita zvinhu zvose izvi?' 51 ''Imi womutsipa idooma , musina kudzingisiwa mumwoyo nonzewe, munegara muchitadzisa Mwoya Mutsvene; muneita sekuita kwomadzibaba enyu. 52 Ndoupi muporofita asina kutambidziwa? Wakabaya waporofita waiparidza kuuya kwoWakarurama, uye ikozvinoiyemi mudowa wapanduki nowaurayi nokwari zvakare, 53 iyemi wanhu wadotambira murairo wamapasiwa udogadzihwa nongirozi, asi hamuna kuuchengeta.'' 54 Zvino wakati wasinzva zvinhu izvi, wadobaiwa kusvika pamoyo, uye wakarodza mazino awo kuna Stefano. 55 Asi iye, akazadziwa noMwoya Mutsvene, akanangara kudenga akaona nyasha dzaMwari; uye akaona Jeso adomira kujanja roruji raMwari. 56 Stefani adoti, '' Nangara, ndaona denga risivhuhwa, uye Manakomana woMunhu adomira kujanja roruji raMwari.'' 57 Ipapo makurukota wadovhara nzeve, uye wasishedzera nomazwi ari pamusoro, wakamhanyira kwaari nochinangwa chibodzi. 58 Wadomuditsa kunze kwoguta wakatanga kumutema nomatombo. Zvapupu zvidoisiwa panguwo patsoka dzomujaya yainzi Sauro 59 Pawaimutema Stefani, adeedzera kuna Ishe uye asiti, ''Ishe Jeso, tambiranyi mwoya wangu. 60 ''Akapfugama uye akadeedza nozwi guru, ''Ishe, musawapasa mhosva nokuda kwochiwi ichi kwawari.''Padotaura izvi, adobva arara.