1 Zvino mazuwa iyayo, wadzidzi wasiwanda ,kugunun'una kwowaJudha waitaula chiGiliki kudota nga wasinyunyuta waHebhelu, nokuti chilikadzi dzawo dzaidalikiwa pakugovehwa kwomusi mubodzi nomubodzi. 2 Zvino wane gumi nowawili wadosheedza wadzidzi wakati kwawali, ''Hazvina kunaka kwatili kuti tilege shoko yaDedza tishumile pamatafula. 3 Munefanihwa kusaludza, hama dzangu, anhulume vanonwe pakati penyu, wanupupulihwa zvidonaka, vadozala Mwoya wehuchenjeli, watingaisa pabasa ili. 4 Asi isu tisashingilila pakunyengetela napabasa loshoko. 5 Shoko lawo lidofadza vazinji wose. Nokudalo vakasaludza Stefano, munhulume wolutendo ludozala uye noMwoya Mutsvene, Filipo, Nikaloni, Timon, Pemenasi, naNikolosi, muproselite woAntiokia. 6 Wanetenda wadowinza wanhulume awa pambeli powapositoli, wakaisa manja pamusolo pawo wakanamata 7 Nokudalo shoko laDedza lakalamba lisipalalila, nouwanhu wowadzidzi wakalamba wasiwedzela zvikulu, nouwandu womapilisita wazinji wakawa wakatendeka palutendo. 8 Zvino Stefano, azele nonyasha nosimba, adoita zvineshamisa nozvilatidzo pakati powanhu. 9 Asi wadosimudza wamwe wanhu waiwawoku sinagoge yainzi sinagoge yaWasununguki, nawa Kuleni, nawa Alekisandila, nawe Kilikia, newe Asia. Awa wakaita nhalo naStefano. 10 Asi wakange wasingagone kumila nouchenjeli uye noMwoya waitauhwa na Stefano. 11 Ipopo wadonyengela wamwe wanhulume kuti wati, ''Tidenzva Stefano asi taula mashoko ekushola Mozisi naDedza.'' 12 Wadokuludzila wanhu, nowakulu, uye wakamuisa kuwanyoli, uye wakaendela Stefano wakamubata wakamuisa pambeli pomakulukota. 13 Wadowinza zvapupu zvokunyepa, zvaiti, ''Munhulume uyu haana kumila kutaula mashoko anepikisa nzvimbo tsvene ino nomutemo. 14 Nekuti tidemunzva asiti Jeso wo Nazaleta asapaladza nzvimbo ino uye asandula tsika dzatidopasiwa naMosizi.'' 15 Wose wainga wadogala pamakulukota wadomunangala meso awo kwaali uye wadoona chiso chake sochiso chongilozi.