1 Zvino mumwe munhulume wainzi Ananiasi, nomunhukadzi wake wainzi Safila, wadotengesa midziyo, 2 uye wakachengeta imwe mali [munhukadzi wake azviziva izvi] , akawunza chimwe chikamu chacho akaunza patoka dzowapostoli' . 3 Asi Petlo adoti, ''Ananiasi, senyi wazadziwa naSatan mumwoyo kuti unyepele Mwoya 4 Mutsvene kuti usale nomumwe mutengo womunda? Iwo uchilipo, wakanga usili wako hele, uye paudotengesa , waisawa nosimba nazvo? Ndiani adoisa chiitikoichi mumwoyo wako? Hauna kunyepela munhu asi Dedza'' 5 Asinzva mazvi, Ananiasi adodonha pasi uye adofema kekupedzesela, apo kucha kukulu kudouya kune wadozvinzva. 6 Munhulume mudiki adouya kumbeli kwake akamuputila, uye wadomutakula uye wakamuwiga.. 7 Mushule momaawa matatu, munhukadzi wake adouya, asisingaziwe zvaitika. 8 Petlo adoti kwaali, ''Ndiudze kana mudotengesa munda nomali zinji. ''Adoti, ''Hongu, nomali zinji. 9 Ipopo Petlo adoti kwaali, '' Senyi mawililana pabodzi kuyedza Mwoya waMambo? Nangala tsoka dzomunhulume 10 waladzika munhulume wako pamusuwo, uye asakutakula.'' Ipopo nekukulumbidza akadonhela patsoka dzake akafemela kekupedzisila. Wanhulume wadiki pawadouya mukati, wadomuona wapfa, uye wadomutakula wakabuda naye wakanomuwiga padhuze nomunhulume wake. 11 Kucha kukulu kudouya pamusolo pecheche yose nowose wadonzva izvi. 12 Zviladzo zvizinji uye nozvishamiso zvakaitika kuwanhu kubulikidza nomanja awapostoli. Waiwa pabodzi pa Bilavila la Solomoni. 13 Asi hapana aiwakuludzila kubatana nawo, nokudalo wanhu waiwakudza. 14 Nokudalo watendi wazinji wanhulume nowanhukadzi, wakawedzehwa kunaDedza, 15 nokudalo wakatakula waihwala mumugwagwa wasiwa ladzika mumibhedha nopanhowo, kuti mumvuli waPetlo wakadalika napo, wawile pakalepo. 16 Wadouya kamu wanhu nouwandu uzinji wasibva mumaguta adotendeledza Jelusalema wadouya nowaihwala nowainga waine mwoya yotsvina, uye wose wadopelesewa. 17 Asi mupilisita mukulu adosimuka, uye nawose waiwa paaali [waiwa wodzidziso yowa Sadhuse]; uye wadozadziwa nomwoyo udoipa 18 uye wadotulika janja kuwapostoli, uye wakaisa muchitolongo. 19 Asi pakati pousiku ngilozi yaIshe yakavhula musiwo wotilongo ikawabuditsa, uye yakati, 20 ''Endanyi mumile mutembele mutaule kuwanhu wose mashoko ehupenyu.'' 21 Pawadonzva izvi wadopinda mutembele masikati uye wakadzidzisa . Asi wapilisita wakulu wadouya, uye nawose waiwa naye, uye akasheedza makulukota pabodzi, nowakulu wowanhu wo Izilaeli, uye wadotumiwa kutilongo kuti wapositoli wauye 22 Asi mapulisa wakaenda hawana kuwaona mutilongo, uye wakadzoka wakataula, 23 ''Taona tilongo yakakiwa valindi wakamila pamusuwo, asi patavhula , hapana waiwamo. 24 Zvino wakulu wetembeli namambo wemapilisita pawadonzva mashoko aya, wadovhilingidzika chaizvo nekuda kwawo kuti zvaizowei. 25 Apo munhu mubodzi adouya uye akawaudza, ''Wanhulume wamudoisa mutilongo wali mutembele uye wakudzidzisa wanhu. 26 Mutalisi adoenda nowakulu wakulu wadouya nawo, asi pasina mhilizhonga, npkuti waicha kutemewa. 27 Pawakauya nawo wakaisa pambeli mutungamili nomutalili wavahwi. Mupilisita mukulu adowabvunzisisa, 28 asiti , ''Tikukutongelanyi kuti mulege kudzidzisa nozvezita ili, asi mazadza Jelusalema nozvidzidzo zvenyu uye mune chishuwo chokuunza gazi lomunhulume uyu kwatili. 29 Asi Petlo nowapositoli wadopindula, ''Tinefanihwa kulemekedza Dedza pane wanhu. 30 Mwali womadzitategulu edu adomutsa Jeso wamakabaya nokumusungilila. 31 Dedza adomusimudzila kujanja lake loluji kuti awe Mutungamili no Musununguli, kuti apase kutendeuka kuwaIzilaeli, uye kulegelehwa kwozvitadzo. 32 Tili zvapupu zvezvinhu izvi, pabodzi noMwoya Mutsvene, uyo Dedza akapasa wanolemekedza. 33 Zvino watungamili nowatalili wowahwi pawadonzva izvi, wadopfa noshungu uye wadoda kubaya waposiltoli. 34 Asi mumwe muFalisi wainazi Gamalieli, mudzidzisi womutemo ailemekedzewa nowanhu, adosimuka akalaila wapositoli kuti waendesewe panze kwonguwa diki. 35 Apo adoti kwawali, ''Wanhulume we Izilaeli, chenjelenyi pamusolo pezvamuneda kuita kuwanhu awa. 36 Apo mushule momazuwa aya, Tudas adosvika asizviti aiwa mumwe munhu, naizvozvo wanhulume anonga mazana mana,wadomutewela. Adoulaiwa, nowose waimulemekedza wadopaladziwa wakasawa chinhu. 37 Mushule momunhulume uyu, Judhasi wokuGalili adosimuka mazuwa aya okuwelengewa kwowanhu adotsausa wanhu kuti wamutewele. Akapala zvakale pabodzi nowamutewela. 38 Ikozvino ndineti kwamuli, ibvai kuwanhulume awa uye wasiyenyiwega, nekuti hulongwa uhwu ndowe wanhu, usapaladziwa kule. 39 Asi kana zvili zvaDedza, hamufanihwe kuzvipaladza; musazviona kuti mukuhwisana naDedza ,''Nokudaro vakabvumilana. 40 Nekudalo adosheedza wapositoli wakawalowa wakawalaila kuti wataula nozvozita laJeso, wakawati waende. 41 Naizvo wakasiya wakulu nowatalili wowahwi wasifala nokuti wakanga wanzi wakakodzela kutambila zita lake. 42 Mumazuwa ose, mutembele uye mudzimba, wailamba wasidzidzisa uye kupupula shoko kuti Jeso ndiye Kilisito.