Mabasa Awapostola Chikamu 4

1 Apo Petro naJohani pawaitaula nowanhu, wapilisita nawakulu wetembeli nawaSadhusi wadouya kwaali. 2 Wainge waine kutambudzika kukulu nokuti Petro naJohani wainga wachidzidzisa uye wasitaula nozvokumutsiwa kwaJeso kuwadopfa. 3 Wadowasunga uye adowaisa muchitolongo kusvikila zuwa laitewela, nokuti akanga awa maulo. 4 Asi wanhu wazinji waiwe wanzva mashoko wakatenda; naizvo huwandu wowanhu wadotenda waiwa zviulu zvishanu 5 Zvidouya zuwa laitewela kuti wabati wawo, nowakulu uye, nowanyoli wadoungana pabodzi muJelusalema. 6 Anasi mupilisita mukulu aiwapo, naKayafasi, Johani, Alekizandla, nowose waiwa hama dzomupilisita. 7 Pawainga waisa Petro naJohani pakati pawo, wadobvunza, ''Nosimba lani, kana zita, lamaitanalo izvi?. 8 Nokudalo Petro, adozaziwa noMwoya Mutsvene, akati kwawali, ''Imi watongi wawanhu, nawakulu, 9 kana tili pakutongewa nhasi maelelano nochinhu chidonaka zvaitihwa munhulume anehwala, uye nonzila dzipi munhulume uyu adopelesewa, 10 mbazvizikamwe kwamuli mose uye kuwanhu wese weIzilaeli kuti munhulume uyu anemila pambeli penyu nozita laJeso Kilisito weNazaleta, wamudobaya, asi adomutsiwa naDedza kuwadopfa. 11 Jeso Kilisito ndiye dombo lamudolamba imi wawaki asi lidoitiwa musolo wekona. 12 Hakuna luponiso mune mumwe munhu, nekuti hakuna limwe zita pasi nokudenga lidopiwa pakati pedu kuti tinunuhwe. 13 Zvino pawadoona ushingi hwaPetro naJohani wakaziwa kuti waiwa wochokwadi, wanhu wasina kudzidza, wadoshamisiwa, kuziwa kuti Pita na Johani wainga waina Jeso. 14 Nokuti wadoona munhulume adopolesewa adomila nawo, wainga wasina chidoipa chokutala nawo. 15 Asi mushule mokuudza wapolofita kuti wabude mumusangano wadotaula pakati pawo, 16 Wadoti, ''Tingaitenyi kuwanhulume awa? Chichelekedzo chikulu chaiitika kwawali chazikaniwa nawose wanegala muJelusalema, hatinga zvilambe. 17 Asi kuti hazvipalalile zvidonyanya pakati pawanhu, mbatiwaudzenyi kuti wasataula kamu kuwanhu nozvozita ili.'' 18 Ipopo wadodedzwa uye akawalaila kwawali kuti wasataula kana kudzidzisa nozvozita laJeso. 19 Asi Petro naJohane wadolaila uye wadoti kwawali, ''Kana zvidonaka mukuona kwaDedza kukulemedzanyi imi kudalika iye, imi watongi. 20 Hatikwanise kulega kutaula pamusolo pozvinhu zvatidoona nokunzva.'' 21 Pamusolo poyambilo gulu Petro naJohani, wadowasiya wakaenda. Wainge wasingaoni chikonzelo wawatonge, nokuti wanhu wose wailumbidza Dedza nozvawaiwa waitihwa. 22 Wanhulume waiwa waona chichelechedzo chokupolesewa waiwa nomakole aipfuula gumi nomana. 23 Mushule mokunge wasununguhwa, Petro naJohane wakauya kuwanhu woludzi lawo wakataula zvose zvidotauhwa nawapilisita. 24 Pawadonzva izvi, wadosimudza madzinga nochinangwa chibodzi kunaDedza wakati, ''Dedza adosika denga nonyika, nomakungwa, nozvose zvili maili. 25 Mudotaula noMwoya Mutsvene kubulukidza nomulomo womulanda wenyu, baba wedu Dhavidha, 'Nondawa yenyi, uye yamwe maludzi yachishuwila zvinhu zvisina basa?' 26 Imi mudoti, Madzishe epanyika wadogala pabodzi, uye watongi wadoungana pamwe wasipikisa Mwali uye wasipikisa hushe hwake 27 Chokwadi wose Helodhe naPontius, pabodzi neyamwe Maludzi uye newana weIzilaili wadoungana muguta wasipikisa mulanda wenyu Jeso, uyo wamudozodza. 28 Wadoungana kuti waite zvamanga makagala madolonga kuti zvichaiitika. 29 Ikozvino, Dedza , talilanyi kunyewela kwawo uye mubatsile walanda wenyu kuti wataule shoko yenyu noushingi. 30 Tambanudzanyi manja yenyu mupolese uye kupasa zvilatidzo nominana kupfulikidza nomulanda wenyu Jeso.'' 31 Mushule mokunamata, panzvimbo pawainge wadoungana padozunguzika, wadozadziwa noMwoya Mutsvene uye wakataula shoko laDedza noushingi. 32 Uwandu hwowazinji waitenda waiwa nomwoyo nomweya mubodzi. Hapana adoti zvawaiwe nazvo zvaiwa zvawo, asi wainge wane zvidofanana. 33 Nosimba zinji wapositoli waipasa zvapupu zvawo pamusolo pkumuka kwaMambo Jesu, nonyasha zinji dzaiwa pawali wose. 34 Paiwa pasina munhu pakati pawo aiwa asina chinhu, kuna awo waiwa nominda kana dzimba wakatengesa wakaunza mari yacho yozvinhu zvidotengesewa 35 uye wadozviisa kuwapostoli ' pamakumbo, uye wakagowelana kune umwe noumwe. 36 Josefa, uyo wawapolofita wainzi Bhanabhasi [ zvinolewa Mwanakomana woKuludzila], Mulevhi, munhulume woKuplo, 37 adotengesa munda waiwa wake uye akawunza mali yacho patsoka dzowa posistoli