Mabasa Awapostoli Chikamu 3

1 Naizvozvo Petro naJohani wadoenda mutembele panguwa yokunamata, nonguwa dzopfumbamwe. 2 Kwaiwa nomumwe munhulume aiwa adolemala kubva mukuzvahwa akatakuhwa kuenda mutembele pasuwo Lidonaka. Waimuisa mazuwa yose zvokuti waibvunza mali wose waienda mutembeli. 3 Paadoona Petro naJohani nozvokupinda mutembeli, adowakumbila mali. 4 Petro, adonangalisa kwaali, naJohani, akati, Nangala kwatili. 5 ''Munhulume adolemala adonangala kwawali, asitalisila kutambila chimwe chinhu kwawali. 6 Asi Petro akati, ''Siliva no ndalama, hatina, asi chatinacho, ndinokupasa.Muzita yaJeso Kilisito woNazareta, famba. 7 Adomutola nojanja loluji, Petro adomusimudza, uye nokukulumbidza mabvi ake adobva asimba. 8 Asisvetuka mudenga, munhulume adolemala adosimuka uye adotanga kufamba; uye adobva apinda naPetro naJohane mutembeli, asifamba, asisvetuka, uye asikudza Dedza. 9 Wanhu wose wadomuona asifamba uye asilumbidza Dedza. 10 Wadozviona kuti ndiye munhulume uye waikumbilamali Pasowo Lidonaka letembeli; uye wakazadziwa nokuona zvineshamisa uye zvishamiso nekuda kwezvidoitika kwaali. 11 Paadolamba adobatilila kuna Petro naJohani, wanhu wose wadomhanya pabodzi pabilavila laSolomoni vasilumbidza zvikulu. 12 Nokudalo Petro sizviona izvi, adopindula wanhu, ''Imi anhulume weIzilaeli, mukulumbidzenyi? Senyi uchiisameso akomakwatili, kunga taita tisu kuti udzofamba nosimba yedu kana wamwali wedu. 13 Dedza waAbhulahamu, naIsaka, naJakobho, Dedza wamadzibaba yedu, waisa lulumbidzo kumulanda wake Jeso. Ndiye mubodzi wamudopa kwawali uye ndiye wamudolamba pameso paPilato, apo paainge afunga kumusudzunula. 14 Mudolamba Mutsvene uye Mululami, uye mudotokumbila kuti mhondi isudzunhuhwe. 15 Munobaya muyambi weupenyu, uyo adomutsiwa naDedza kuwadopfa-uye uyo watinopupulila izvi. 16 Nopamusolo polutendo muzita yake, zita yapasa munhulume uyu, uyu wamuneziwa , asimba. Kutenda kubulikidza naJeso kwamupasa hutano hudonaka muhuwepo wenyu mese. 17 Zvino anabhuti, ndineziwa munezviita mukusaziwa, sezvineita watungamili wenyu. 18 Asi zvinhu zvinetauhwa naDedza nemulomo wake nomapolofita ake, kuti Kilisito asatambudziwa, izvozvi zvazozadzisiwa. 19 Tendeukanyi, nokudalo, uye dzokanyi, kuti zvitema zvenyu zvikanganiwe, kuti pazowa nonguwa inouya yokunzva huwepo hwaMambo; 20 uye kuti watitumile Kilisito uyo adonongedzewa kwatili, Jeso. 21 Iyeye Mubodzi kudenga asagamuchila kusvikila panguwa yokudzokelana kwezinhu zvose, nokuda kwezvisatauhwa naDedza panguwa idotahwa nomulomo woma polofita matsvene ake. 22 Mozisi pochake, adoti, 'Uyo Mamabo Dedza asamutsa mapolofita fanika ini pakati penyu anabhuti. Mukasatetekela kuna zvose zvawakakuudzai. 23 Zvisaitika kuna wose wasingatetekele mapolofita aya wasapaladziwa wose kune wanhu wose. 24 Chokwadi, uye wose wapolofita kubva kuna Sameli nawa kauya kumasule kwake, wasataula nokuziwisa mazuwa aya. 25 Muli wana wamapolofita nochisungano chidoitiwa nomadzitategulu enyu, sokutahwa kwazvidoitiwa naAbhulahamu, 'Mumbeu dzenyu mhuli dzisalopafadza nyika. 26 Musule Dedza asasimudza walanda wake, asamutuma iye pokutanga, nochinangwa chokulopafadza mubodzi nomubodzi pakusimba kwake.