1 Padosvika zuwa lePentecost, waiwa wali wose panzvimbo ibodzi. 2 Pakalepo pakauya kubva kudenga kutinhila kwomhepo zinji, ue akazadza muimba yose mamaiwe wagele. 3 Kudouya kwawali ndimi dzinenge moto dzakakandidziwa uye dzidomhala pamusolo poumwe noumwe. 4 Wose wakazadziwa noMwoya mutsvene uye wakatanga kutaula nedzimwe ndimi, pawakatendehwa noMweya Mutsvene, 5 Ipapo paiwa neweJudha waiwa wachigala muJerusalema, walulme wadolulama, waibva kune nyika yose pasi pedenga, 6 Padonzviwa mutinhimila, luzhinji lakauya pabodzi uye wainge wakanganisiwa nokuti munhu wese adowanzvwa wasitaula nomutaulo yawo. 7 Wadoshamisiwa uye wakakachamadziwa; wadoti, "Chokwadi hawazi wese wali kutaula waGalliliya hele? 8 Senyi tilikunzva zvawalikutaula, wose nomutaulo wedu watakabelekewa nawo? 9 Parthans naMedisi neElamite, uye newamwe wanogala muMesopotamiya, muJudia neCappadocia, muPontus ne Asia, 10 Phrigia nePamphylia, mu Egipita namatiwimana eLibiya tisienda Cylene, uye wainzi kubva Roma, 11 ''WaJudha nowa ploselyte, vaCrete novaArAbhiya, tinevanzva wasitaula nomutaulo wedu pamusolo pomabasa makulu aDedza,''. 12 Wose wadoshamisika nokuvhilingidzika; wadobvunzana pachawo, "Izvi zvinorewei?" 13 Asi wamwe wadowashoropodza wakati, "Wazadziwa newaina itsva" 14 Asi Peter adomira nevane gumi nemubonzi, akasimudza dzinga rake, akati kwawari, "Alume weJudea neimi mose munogara kuJerusalem, itai kuti zvizivikamwe kwamuri, tetekeranyi kune dzinga rangu nokuti. 15 Wanhu awa hawana kudhakiwa sezvamuli kufunga, nokuti inguwa yechitatu pazuwa. 16 Asi izvi ndizvo zvinotauhwa kupfurikidza nemuporofita Joel: 17 Zvichawa mumazuwa ekupedzesera; Dedza anoti, ''Ndisadululila mwoya wangu kuwanhu wose. Wana wenyu akomana newasikana wasapolofita, anhurume adiki asaona zvilatidzo uye watana wasalota zviloto. 18 Zvochokwadi kune washandi wangu nowashandi wochinhukadzi pamazuwa ayo ndisadulula mwoya wangu, wusapolofita. 19 Ndisalatidza minana mumakole pamusolo nemichelekedzo panyika yopasi, gazi , moto, noutsi. 20 Zuwa lisatendeutsiwa kuita limauye mwedzi kuita gazi mumashule mozuwa lukulu lidonaka laDedza lasvika. 21 Zvisaitiwa kuti mubodzi nomubodzi anedana muzita yaDedza asanununhwa. 22 Wanhulume woIzilaeli, mazvi aya; Jeso weNazaleta aiwa munhulume adopiwa mvumo kwamuli naDedza nomabasa makulu nozvishamiso nozvichelechedzo Dedza zvaakaita pakati penyu, sezvamuneziwa pachenyu. 23 Munhulume uyu adoendesewa naDedza maelelano nohulongwa nouchenjeli nojanja kuwanhulume wasina mutemo, wadomubaya wakamulowelela pachipeyaniso. 24 Asi Dedza adomusimudza, asimusunungula kubva kuma lwadzo yolufu, nokuti zvaisakwanisika kuti asabatiwe nazvo. 25 Naizvozvo Dhavhidha aneti pamusolo pake, 'Ndineona chiso chaDedza kumeso kwangu nguwa dzose, naizvozvo alikuluji kojanja langu. 26 Naizvozvo handifanili kuzizungunutsa.. 27 Iwe haungasiye mwoya wangu muHadhesi, uye hamungatendele mutsvene anangale kupalala. 28 Maita kuti ndiziwe nzila yohupenu; musaita kuti ndizale nomufalo nochiso chako. 29 Vanabhuti, zvidofanihwa kuti nditaule noimi pamusolo potategulu wangu Dhavidha, kuti adopfa uye akawigiwa uye akawigiwa guwa lake linesu kusvika zuwa lanhasi. 30 Naizvozvo, aiwa mupolofita uye aiziwa kuti asaisa chibeleko chake pakolona. 31 Adoona zvaizoitika pambeli uye adotaula pamusolo pokumutsiwa kwaKilisito, kuti haana kusiiwa kuHadhesi, uye kuona nyama yake isipalala. 32 Uyo Jeso - Dedza adomusimudzila, apo taiwa zvapupu. 33 Naizvozvo, adoendesewa kujanja loluji laDedza uye wadogamuchila Mwoya Mutsvene kubva kubva kuna Baba, iyo adodulula zvamunenzva nekuona. 36 Iye Dhavhidha ahana kuenda kudenda, asi aneti, 'Mambo aneti kuna Mambo wangu, ''Galanyi kujanja langu loluji 35 kusvikila ndaita wawengi wako waite chitsitsino chetsoka yako. 34 ''Naizvozvo, itanyi kuti imba yoIzilaeli wanyanyoziwa kuti Dedza amuita zvose Mambo naKilisito, iye Jeso wawadobaya. 37 Zvino pawadonzva izvi, wadobayiwa mumwoyo yawo, uye wadoti Petro nowadzidzi wose, ''Anabhuti tingaite senyi?'' 38 Ipopo Petro adoti kwawali, ''Tendeukanyi uye mubhabhatidziwe, mubodzi nobodzi pamuli, muzita laJeso Kilisito kuti mukanganihwe zvitadzo zvenyu, uye musapiwa chipo Chomwoya Mutsvene . 39 Nekuti chitsividzo chili kwamuli uye kuwana wenyu nowalikule, sowazinji wasadaidziwa naDedza.'' 40 Nomashoko mazinji adoleulula uye adowati, ''Nunuhwai lusina kululama.'' 41 Ipopo wadotambila shoko uye wakabhabhatidziwa, uye mwoya unenge zviulu zvitatu. 42 Wadozvipila kuna wapositoli' kudzidzisa nokuyanana nokumhedulilana zvingwa muminamato. 43 Kucha kusauya pamwoya womunhu wose, uye zvishamiso zvizinji nozvilatidzo zvidoitiwa kubudikidza nomaposistoli. 44 Wose waitenda waiwa pabodzi uye waiwa nochinhu chibodzi uye chaiwa chidofanana, 45 uye wadotengesa midziyo yawo nozvigalo zvawo uye wadozvigowa kune wose, maelelano nomawanilo awanhu. 46 Zuwa nozuwa wadolamba waine chinangwa chibodzi mutembeli. Naizvozvo wadoja zvokuja mudzimba dzawo, wadoja nomufalo nomwoyo uneda, 47 wasilumbidza Dedza uye wasifalilihwa nowanhu, uye zuwa limwe nolimwe Dedza adowedzela awo waisunguhwa.