1 Zvino vaapositora nedzimwe hama vamwe vakanga vari paJudhiya vakanzva kuti vaHedheni vakanga vagamuchira shoko raMwari. 2 Pita paakasvika paJerusarema, kune avo vechikwata chezvekuchekuruhwa chakamupikisa; 3 vakati, ''Unetandara nevarume vasina kuchekuruhwa usija navo!'' 4 Asi Pita akatanga kutsanangura chinhu kwavari nemonemo, asiti, 5 Ndainamata muguta reJopa,mukucha ndakaona chioni chemudziyo chichidzika, sebiza guru richiburuka kuhva kudenga nemakona mana. Rakadzika kwandiri. 6 Ndakarinangarisa ndokufunga nezvaro. Ndikaona mhuka dzine makumbo mana dzepanyika, zvikara zvesango, zvinhu zvaikambaira, neshiri dzedenga 7 Zvino ndakanzva inzvi risiti kwandiri, Simuka, uraya uje!' 8 Ndikati kwete kudaro, Ishe; nekuti hapana chakaipa kana chakasviba chakambopinda mumuromo mangu.' 9 Asi inzvi rakapindura zvakare risivha kudenga, 'Icho Mwari chaakaita chitsvene haufanire kuchiita chakasvibisiwa.' 10 Izvi zvakaita katatu, zvino zvhu zvose zvakavha zvatohwa kuenda kudenga zvakare. 11 Nangara, pakarepo pakanga pane varume vatatu vakanga vakamira pamberi penyumba pataiva; vakanga vatumiwa kwandiri kuvha Sizariya. 12 Mweya wakandiraira kundiyenda navo, uye kuti handaifanira kuzovacha. Hama nomwe idzi dzakaenda neni, ndokupinda munyumba memurume. 13 Akatiudza nezvekuona kwakaita nako mutumwa akamira munyumba make asiti, 'Tumira varume kuJopa undivigire Sayimoni anonzi Pita. 14 Asataura kwamuri shoko richaponesewa naro-imi pabodzi nevedzumba dzenyu.' 15 Pandakatanga kutaura navo, mweya mutsvene wakauya pamusoro pavo, sezvawakaburuka pamusoro pedu pakutanga. 16 Ndakarangarira mashoko a Ishe, apo paakati, 'Jowani chokwadi akawombeka nemvura; asi imi muchawombekewa nemweya mutsvene.' 17 Zvino kana Mwari vakavapa zvipo sekupa kwaakaita kwatiri patakatenda munaIshe Jesu Kirisitu, zvino ini ndaiva chiniko, zvekuti ndingapikise Mwari?'' 18 Pavakanzva zvinhu izvi, hapana chavakapindura, asi vakakuza Mwari vasiti, ''Zvino Mwari vapa kutendeuka nekuvaHedheniwo zvakare.'' 19 Zvino kune avo viva vamwaikidzidzana nekuda kwetambudzika kwakanga kwasimuka panaSitivhini kwakasvika kwese kuFonisiya, Sayipurasi, neAndiyoki, asingotaura shoko chete kuva Judha. 20 Asi vamwe vacho varume vaivhaSayipurasi neSayirini, vakauya kuAndiyoke ndokutaura zvakare kuvaGiriki, vasishevedzera ivhangeri raIshe Jesu. 21 Hwanja hwaMwari hwakanga hunavo; mhomho yakadzikinuriwa vamwe vakadzokera kuna Ishe. 22 Guhu nezvavo rakasvika munzeve yekereke yepaJerusarema, ndokutumira Bhanabasi kuAndiyoki. 23 Paakauya akaona nyasha dzaMwari, akafara akakuridzira vose kusara naIshe vanechinangwa mumoyo. 24 Nekuti waiva murume mutsvene azere nemweya mutsvene nekutenda, vanhu vazhinji vakawedzerewa kuna Ishe. 25 Bhanabhasi ndokuenda kuTasasi kunonatsotsvaga Sauro. 26 Paakamuwana, akauya naye kuAndiyoke. Zvakasvika pakudai, kuti kwegore rose vakaungana pabodzi nekereke nekufundisa vanhu vazhinji. Vadzidzi ndivo vakaita vokutanga kunzi Makiritu muAndiyoke. 27 Zvino pamazuva akareya vamwe vaporofita vakadzika vasivha Jerusarema kuenda Andiyoki. 28 Mumwe wavone, wainzi Agabhasi, wakasimuka ndokuratidziwa nemweya kuti nzara huru yaizovapo munyika yose. Izvi zvakaitika mumazuva aKiraudhiyasi. 29 30 Zvino vadzidzi, sekukwanisa kwemubodzi nemubodzi, ndokutsidza kuti vatumire zvinhu zvaizobatsira hama dzekuJudhiya kuvha kunzara. Vakaita izvi; vakatumira mari kuvakura iri mumaoko aBhanabhasi naSawuro