Chikamu 10

1 Ipapo pakanga pane mumwe murume muguta reSizariya,Koneriyasi, zita rake, wezana vaidaidziwa kuti vechi Itari Boka reMasoja. 2 Akanga ari murume wakarurama, murume aicha Mwari nemhuri yake yose, waipasa zvipo zvakawanda kuvanhu, uye asinamata kunaMwari nguva dzose. 3 Panguva yechifumbamwe yezuva, akaona chiono chengirozi yaMwari isiwuya kwaari. Ngirozi yakati kwaari, ''Koniriyasi!'' 4 Koniriyasi akatarisa kungirozi akachisiwa nazvo chaizvo wakati, ''Chiniko nhaimi, vanoremekedzewa?'' Ngirozi yakati kwaari, ''Minamato nezvipo zvako zvakwira kudenga sechirangaridzo chezvipomuhupo hwaMwari. 5 zvino chituma vanhu kuJopa vandivigire murume anonzi Sayimoni anonziPita. 6 Anogara nemugadziri wenyatera anonzi Simoni, nyumba yake iri padhuze nenyanza.'' 7 Pakayenda ngirozi yataura naye, Koniriyasi akadana varanda vaviri. 8 Koniriyasi akavataudza zvese zvakanga zvaitika ndokuvatumira kuJopa. 9 Pakarepo pazuva rakatovera nenguva dzetanhatu, pavakanga vava pahwendo hwavo uye vanga vakutarisana neguta, Pita akakwira pamusoro penyumba kwaanata. 10 Akanga zvino wave nenzara wakuda chekuja, pavakanga vobika chekuja chiedza chakauya kwaari, 11 akaona denga risivhurika, chimwe chunhu kunge jira guru chichidzika panyika, chichidzika nemakona mana. 12 Mayiri makanga mune mhuka dzose dzemakumba mana nezvinhu zvaikambaira panyika, neshiri dzedenga. 13 Zvino inzvi rakataura naye: ''Simuka, Pita,uraya uje.'' 14 Asi Pita akati, ''Kwete kudaro, Ishe; nekuti handina kuvhira ndakaja chikasvibisisiwa kana chisina kuchena.'' 15 Asi inzvi rakauya kwaari zvakare kechipiri: '' Mwari chaakaita chakanaka, haufaniri kuchiita chakasvibisiwa.'' 16 Izvi zvakaitika katatu ; pakarepo chimudziyo chiya chakavha chatorewa kuenda kudenga. 17 Zvino Pita asirikuvhiringidzika nekua kwechiono chaanga aona kuti chaireveni, nangarei, murume anga atumiwa na Koneriyasi amire pamberi pemusuwo, musure mekunge vavhunza nzira yekunyumba. 18 Vakadanidzira vakavhunza kozvino Simoni, iye aimbonzi Pita, waigara kwakareko naa. 19 Pakerepo Pita asiri kufunga nezve chiono, mweya wakati kwaari, '' nangarawuone, varume vatatu varikukusvaga. 20 Simuka uenda zasi uyende navo. Usingache kuenda navo,nekuti ndavatuma. 21 ''Zvino Pita akaenda kuvarume akati, ''Ndini wakareyo yamurikusvaga. Seiko mauya?'' 22 Vakati, ''Wezana iye anenziKoniriyasi, murume wakaruramazvakare asicha Mwari, uye anetauriwa zvakanaka nezvake nemarudzi ose evaJudha, akarairiwa nengirozi tsvene kukutumira kwauri kuti uuye kunyumba yake, nekudaro unogona kutetekera shoko rinevha kwauri.'' 23 Zvino Pita akavakoka kuti vapinda vagare navo. Makuseni aitevera akamuka akayenda navo, nedzimwe hama kubva kuJopa vakamususikidza. 24 Musi wayitevera vakaenda kuSizariya. Koniriyasi anga akavamirira, wakanga wadana hama dzake neshamwari dzepadhuze pamwe chete. 25 Zvakasvika pakudai apo Pita paakapinda, Konoriyasi wakasangana naye ndokuwira patsoka dzake kuti amunamate. 26 Asi Pita akamubatsira, asiti, ''Simuka! neniwo zvakare ndiri munhu sewe''. 27 Pita asiri kutaura naye, wakaenda akawana vahu vazhinji vakaungana. 28 Akati kwavari, ''Imi muneziva kuti hazvibo pamutemo kuti muJudha atandare kana kuvhakachira mutoha asiri muJudha. Asi Mwari wakandiratidza kuti handifanire kutaura chero munhu kuti wakanyangara kana kuti wakasviba. 29 Ndosaka ndauya pasina mhikiso, pandakatuimiwa. Zvino ndakukuvhunzai kuti komakanditumirei''. 30 Koniriyasi wakati, ''pamuzuva mana afuura panguva yakadai, ndainamata panguva ye fumbamwe munyumba yangu; ndokuona, murume akamira pamberi pangu nehemb dzaipenya. 31 Akati, 'Koniriyasi, minamato yako yanzviwa naMwari, nezvipo zvako zvarangaridza Mwari nezvako. 32 Nekudaro tumira mumwe munhu kuJopa, okudanira munhu anenzi Sayimoni waPita. Arikugara munyumba yemugadziri wematehwe anenzi Sayimoni, mumapeto menyanza. ''Zvino paaneuya asataura kwauri. 33 Zvino ndatumiwa kwauri nekukurumbidza. Waita zvitsvene ukauya. Zvino tose tiripo muchionioni chaMwari kuti tinzve zvese zvawaraihwa naJehovha kuti utaure''. 34 Zvino Pita akashama akati, ''Zvechokwadi ndinenzvisisa kuti Mwari haazi wechidimbu. 35 Asikuti, rudzi woga woga unemucha nekuita zvitsvene anehugamuchira. 36 Muneziva shoko rakatumiriwa kuvanhu veIzirairi, apo pakataura nhawu dzitsvene pamusoro kugarika kubudikidza naJesu Kirisitu, aneva iye Ishe wezvose- 37 iwe uneziva zviitiko zvakaitika, zvakaitika Judhiya yose,zvakatangira kuGarariya, mushure meruombeko hwakatawuhwa naJowani; 38 zviitiko mayererano naJesu weNazareta, kuti Mwari vakamuzodza zvakadii nemweya mutsvene uye nesimba. Akaenda asiita zvakanaka nekuporesa vose vaimanikidziwa naDhiyabhorosi, nekuti Mwari waiva naye. 39 Tirizvapupu zvezvinhu zvese zvakaitiwa naJesu, zvose munyika yevaJudha nemuJerusarema. Vakamuuraya nekumuturika pamuti, 40 asi Mwari wakamumutsa nezuva retatu akaita kuti awonekwe, 41 kwete nevanhu vose, asi kuzvapupu zvakasarudziwa naMwari- nesu takaja nekumwa naye mushure mekunge amuka kuvakafa. 42 Wakatiraira kuti tidanidzire kuvanhu neku pupura kuti uyu ndiye akasarudziwa naMwari kuti ave mutongi wevapenyu pabodzi nevakafa. 43 Pamusoro pake vose maporofita vanepupura, kuti wose anetenda kwaari anegamuchira kuregerehwa kwe zvitadzo kuburikidza nezita rake 44 Pakarepo Pita asiri kutaura zvinhu izvi, mweya mutsvene wakawira kune vose vaimuteerera mharidzo yake. 45 Kuvanhu avo vaizviti iboka revakadzingisiwa revatendi- vose vauya kuna Pita -vaishamisika, nekuda kwechipo chemweya mutsvene chakanga chadururiwa zvakare nekuvaHedheni. 46 Nekuti vakanzva zvinhu izvi zvekutaura nendimi nekusimudzira Mwari. Zvino Pita wakapindura, 47 ''Pane here angavharire vanhu ava mvura yekuti vawombekewe , vanhu ava vakagamuchira mweya mutsvene sesu?'' 48 Pakarepo akaraira kuti vawombekewe nemuzita raJesu Kirisitu. Ndokuvakumbira kuti vagare naye kwemazuva