Chitsauko 3

1 Munoziwa izwi, kuti mazuwa yekupedzisira kuchauya nguwa dzakawoma. 2 Nekuti kuchawa newamwe wanozwida, wanoda mare, wanozvirumbidza, wanozwikudza, wanotuka, wasingaterere wambereke, wasingatende, wasina utswene, 3 wasina rudo, wasingaregerere, wanochera amwe, wasingazwidzore, wane utsenye, wasinga zwinhu zwakanaka, 4 wanomukira, wanoita manyawi, wanonyegera, wanozwifadza zwakanyanya kufura Mwari. 5 Wane mufananidzo bedzi, asi wokunamata Mwari asi wachiramba simba rake. Ibva pene wanhu wakadaro. 6 Awa ndiwo waya wanopita mudzimba, uye wanotora wakadzi senapwaka wakatakura zwiwi, wachitora zwakaipa zwawo zwese; 7 mazuwa ose murikudzidza, uye awafe wakaswika paruziwo rechokwandi. 8 Uye sa Janes na Jambre wakasimukira Mozesi, uye zwe wanosimukira chokwandi; wanhu awa wanendagariro dzakauro, uye wanofera pakutenda. 9 Uye iwo , awaswike kure; nokuti upenzi wawo huchawonekwa na wanhu ose. 10 Naizwozwo iwe unotera dzidziso rangu, murairo wangu, kutenda, tsitsi,nerudo, nekuchigaira, 11 matambidziko, nhamoƧ yakandibata ndiriku Antiokia, ne ku Ikonio ne muRistra; wanotambudzika nenhamo yandakasangana nawo ikona, uye ishe wakandinunura. 12 Uye waya wakazwipira kurarama kuna Jesu wachatambudzwa. 13 Asi waya wakaipa wanonyegera wachaenda kwakaipa, wachigenyedzwa wachenyegedzeka. 14 Naizwozwo, iwe, ramba uri pazwinhu zwawakadzidziswa, nekuti unoziwa zwiya zwawakadzidzi. 15 Iwe kubva urimudoko waiziwa magwaro matswene, inoisa ruziwo kuti uponeswe nekutenda kuna Jesu Kristu. 16 Magwaro ose akafemerwa na Mwari uye runobatsira pakudzidzisa, nekuratidza kusarurama, kuraira, nokuraira mukurarama; 17 kuti munhu waMwari akwaniswe kwazwo akadzirirwa nebasa rese rakanaka.