1 Zvino pavakasvika paJerusarema, vakanga vavepadhuze neBetifeji neBetani Pagomo reOrivhi, Jesu akatumira vadzidzi vake 2 akati kwavari ''Endai mumaruwa ari kumhiri kwedu. Panguva iyoyo yamunupinda ,muchawana dhongi risina kumbovhira rakagadhiwa. Risinungureni muriwiyisa kwandiri. 3 Kana ani naani akati kwamuri , 'Seiko murikuita izvi? Munofanira kuti , Ishe arikuda uye ticharidzosera nekukurumbidza pano ''' 4 Vakaenda ndokuwana dhongi rakasungiwa pagonhi kunze kwemigwagwa vakarisunungura. 5 Vamwe vanhu vanga vakamira pakarepo ndekuti kwavari Murikuiteniko , murikusunungura dhongi iro?'' 6 Ndokutaura navo sezvanga vaudziwa naJesu , vanhu vakasiyiwa vasiyenda. 7 Vakawuyisa dhongi kuna Jesu ndekukandira zvekugarira zvavo kwariri ndokugara pariri. 8 Vanhu vazhinji vakawarira machira munzira vamwe vachiwarira mamhazi evanga vatema mumunda. 9 Avo vainge vari pamberi pake nevainge varikumashure kwake vakadaidzira '''Hosana ! Akaropa fadzwa uyo ane uya nemuzita raIshe. 10 Hwakaropafadziwa humambo hwababa vedu Dhavhidhi uyo uchazouya! Hosana kudenga denga! 11 Pakarepo Jesu akapinda muJerusarema ndokuenda munyumba yaMwari ndokutarisa kose kose kwaiva nezvinhu. Pakarepo nguva yanga yapera , akaenda kuBetani negumi nevaviri. 12 Rimwe zuva vachivha kuBhetani,anga ane nzara. 13 Akawona muti wemukuyu asiri kurefu wanga une mashizha , akaenda asinetarisa kuti angawana muchiro kuvha kwauri , akawana pasina muchero asi mashizha oga , nekuti yangaisiri nguva. 14 Akataura kwauri ,'' Hakuna munhu asaja muchero kuvha kwawuri zvakare '''.Vadzidzi vake vakazvinzva. 16 Vakauya kuJerusarema, akapinda munyumba yekunamatira akatanda vatengesi nevatengi munyumba yekunamatira.Akasandura matafura evachinjisi vemari nezvigara zvigaro zvevatengesi vekwirimba. 15 Anga asingavhumidza kuti vanhu vatakure chipi nechipi chinotengesewa munyumba yekunamatira. 17 Akavadzidzisa akati ''Hazvina kunyorewa na, 'Nyumba yangu ichanzi nyumba yekunamatira kumarudzi ose '? 18 Vakuru vava pirisita nevanyori vakanzva zvaanga ataura , vakatsvaga nzira yekumuparadza. Vakamucha nekuti ruzhinji rose rakashamisika nedzidziso yake. 19 Madeko paakasvika vavha vabuda muguta. 20 Pavaifamba makuseni ,vakaona muti wemuonde wakasvava kusvika pamudzi wawo. 21 Pita akarangarira akati, ''Mudzidzisi ,Tarira! Muti wemuonde wamaktukana waoma.'' 22 Jesu akavapindura akati, ''Ivai nekutenda muna Mwari. 23 Chokwadi ndineti kwamuri kana munhu akati kugomo iri , ' Buda uzvikandira mugungwa ; kana ukasanyunyuta mumoyo mako asi ukatenda kuti zvaataura zvichaitika ,ndizvo zvinoita Mwari. 24 26 Nekudaro ndineti kwamuri: Zvose zvamunenamatira nekukumbira,tenda kuti watozvigamuchira, pakerepo chinezeva chako 25 .Paunomira usinamata, unofanira kuregerera chipi nechipi chawakatadzirana nemumwe , kuti Baba varikudenga vakuregerereniwo kudarika kwenyu'' 27 Vakauya kuJerusarema zvakare .Zvino Jesu paayifamba munyumba yekunamatira, vakuru vavapirisita, vanyori navakuru vakauya kwaari. 28 Vakati kwaari , ''Nesimba raaniko raunoita zvinhu izvi,uye ndiani akakupa simba rekuzviita ?'' 29 Jesu akati kwavari , ''ndichakuvhunzei muvhunzo mubodzi. Ndiudzei neniwo ndichakuudzai kuti nesimba raani randinoita naro zvose zvinhu izvi. 30 Rubhabhatidzo rwa Jowani,rwavha kudenga here kana kuti kumunhu? Ndipindureni.'' 31 Vakakurukudzirana pachavo vakapikisana vakati, 32 ''Asi kana tikati, 'Kuvha kumunhu;... . ''Vaicha vanhu, nekuti vese vanga vakugutsikana kuti Jowani anga arimuporofita. 33 Pakerepo vapindura Jesu vakati, ''Hatizivi.'' Jesu akati kwavari, ''Saka handingakudziyi kuti nesimba raani randinoita zvinhu izvi.''