Chikamu 16

1 Pauro akauya kuDhebhe neLisitira ,ipapo, tarisa ,umwewo wemedzidzi ayinzi Timoti akange aripowo, mwanakomana wemukadzi muJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. 2 Ainyanya kutauhwa nezvake nemadzikoma ake akanga aripa Risitira neIkoniyamu. 3 Pauro aida kuenda naye ,pakarepo akamutora akamudzingisa nokuda vakanga varipo munzvimbo dzakaredzo,nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. 4 Pavaipinda nemumaGuta,vaidarika nemuma komba vachitovedza zvakanga zvatawuhwa nemapositori nevakuru vakanga varimuJerusarema. 5 Pakarepo kereke yakasimbisiwa mukutenda nekuwedzera pahuwandu zuva nezuva. 6 Pauro neshamwari dzake vakafamba nematunhu ePerigiya neGaratiya, sezvo vakanga varambidziwa nemweya mutsvene kuti vataure shoko raMwari mudunhu reEzhiya. 7 Pavakasvika padhuze neMisiya, vakaedzwa kuenda kuBitiniya, asi Mweya waJesu wakavadzivisa. 8 Akafuura nepaMisiya, vakadzika nekuzasi kweguta reTirosi. 9 Chiratidzo chakaonekwa na Pauro husuku : Murume we Mesedhoniya wakanga wakamira pakarepo, achimukumbira achiti, '' Huyai ku Mesedhoniya muzetibetserawo.'' 10 Zvino Pauro paakaona chiratidzo, pakarepo takatsvaga kuenda Mesedhoniya, tisipendera kuti Mwari vakanga vatidana kuti tiparidze ivhangeri. 11 Tichigadzirisa chikepe kubva kuTirosi, takabva tananga kuSamotiresi, zuva raitevera takaenda Niyeporisi. 12 Kubva ipapo takaenda kuFiripi, rinova ndiro guta re Mesedhoniya, guta guru rakakosha uye riri reboka rechiRoma, uye takagara muguta umu kwema zuva akawanda. 13 Nemusi weSabata takabuda kunze kwegonhi reruvanze nemumuronga, apa patakafunga kuti yanga iri nzvimbo yekunamatira. Takagara pasi ndokutaura nevakadzi vakanga vakaungana. 14 Mumwe mukadzi wainzi Ridiya, mutengesi wemucheka webvumbu waibva muguta reTiyatira , iye wainamata Mwari, akatetekera kwatiri. Mwari akabvura moyo wake kuti atetekere zvatauriwa na Pauro . 15 Iye nemba yake vakabhabhatidzwa , Akatikumbira , achiti , '' kana mukange manditonga semunhu akarurama kuna Ishe, huyai mugare mumba mangu.'' Uye takabva tayenda. 16 Zvakasvika pakuda kudaro, patayiyenda kunyumba yekunamatira, mumwe wevasikana varanda wakanga ane mweya wekusonda akasangana nesu. Waivigira vatenzi vake zvizhinji zvaayiwana nekusonda. 17 Mudzimai uyu wakatevera Pauro nesu akatidanidzira, achiti , '' Varume ava varanda vaMwari wekumusorosoro. Vanodanhidzira kwamuri nzira yeruponeso.'' 18 Akazviita izvi kwezuva mazhinji . Asi Pauro, wakatsamwisa naye zvakanyanya,akacheuka akati kumweya, ''Ndinokuraira kuti ibva maari neZita raJesu Kristu, '' Wakabva wabuda panguva iyoyo. 19 Zvino vatenzi vacho pakaona kuti tariro yekuwana pundutso yakanga yaenda, vakabata Pauro na Sirasi vakavakwevera kuMhomho pamberi pamberi pava tongi. 20 Pavakavaendesa pamberi pevatongi , vakati, ''Varume ava varikukonzera matambudziko muguta medu. MaJudha. 21 Varikutaura nezvetsika dzisinga bvumidziwe muchi Roma kuti vadzigamuchire kana kudziita.'' 22 Zvino chaunga chakamuka chose chichimukira Pauro naSayirasi;vatongi vakaparura nguwo dzavo vakataura kuti varohwe neshamhu. 23 Mushure mekunge vavarova zvakanyanya vakavakandira mutirongo vakaudza varindi vemutirongo kuti vanatse kuvachengetedze kwazvo. 24 Mushure mekunge audziwa izvi, vachengeti vemutirongo vakavha vavakandira mutirongo remukati ndokusunga makumbo avo pachimuti. 25 Panguva dzingava pakati pousuku Pauro naSayirasi vainamata vasiimba dzimbo kuna Mwari ,vamwe vasungwa vaivatetekera. 26 Panguva yakareyo pakaita kuzunguzika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguka ; pakarepo magonhi ose akavhurika uye ngetane dzemubodzimubodzi dzakasununguka. 27 Zvino vachengeti vevasungwa vakamutsiwa kuvha kuhope ndokuona magonhi etirongo akazaruka ; akavhomora fumo rake akuda kuzviuraya ,nokuti akafunga kuti vasungwa vakatiza. 28 Asi Pauro akadanidzira neinzvi guru,asiti , ''Usazvikuvadza ,nekuti tese tiripo. 29 Vacheti vetirongo vakadanidzira zviyedza vakamhanyira mukati, vachigwagwadza nekucha , vakawira pamberi pa Pauro na Sayirasi , 30 vakavabuditsa vakati, ''Changamira ndodiniko kuti ndiponesewe ?'' 31 Vakati Tenda muna Ishe Jesu, pakarepo uchaponesewa , iwe nemba yako.''' 32 Vakataura shoko raIshe kwaari, pamwe chete nevaiva navo mumba make. 33 Zvino vachengeti vevasungwa vakavatora pangiva iyoyo yehusiku, ndokushamba maronde avo, iye nevabiyake vakanga varimumba vakabhabhatidziwa pakarepo. 34 Zvino pavaiyendesa Pauro na Sayirasi kumusoro kumba kwake akavayisira chokudya pamberi pavo, akafara zvikuru ne avo veimba yake, nekuti vakanga vatenda kuna Mwari. 35 Zvino paakanga ava masikati, vatongi vakatumira shoko kuva chengeti , vachiti, ''Regai varume avo vayende.'' 36 Vachengeti vetirongo vakataura mashoko kuna Pauro, vachiti, ''Vatongi vatumira shoko kwandiri rekuti uyende. Iye zvino chibuda uyende nerugare.'' 37 Asi Pauro akati kwavari , ''Vakangotirova pazere vanhu vasina kuti tonga, kunyangwe zvedu tiri tiri vagari vekuRhoma _ndokutikandira mutirongo. Zvino vaneda here nhasi kuti kutibuditsa muchivande? Kwete! Regai vauye ivo vatitungamirire pakubuda .'' 38 Vachengeti vevasungwa vakataura mashoko aya kuvatongi, zvino pavakanzwa kuti Pauru na Siyirasi kuti va Rhoma vakatya. 39 Vatongi vakauya vakakumbira ruregerero kwavari vakavabuditsa, ndokuvakumbira kuti vabude kunze kweguta. 40 Pakarepo Pauro naSayirasi vakabuda mutirongo ndokuenda kunyumba yaRidiya. Zvino Pauro naSayirasi pavakaona hama, vakadzikurudzira ndokuvha muguta.