Chikamu 15

1 Vamwe varume vakavha Judhiya vasiyaenda Anitiyoki zvakare vachidzidzisa hama, vasaiti ," Kana musina kuchechewudziwa netsika yaMosesi, hamungaponesewe''. 2 Izvi zvakaita Pauro naBanabasi vakapesana kwazvo nazvo , nekuita nharo navo, vakazowirirana kuti Pawuro naBhanabhasi vayende Jerusarema kuva apositora navakuru pamusoro pemubvunzo uyu. 3 Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakadambudzira nemuFenikiya neSamariya vakatawura zvekutendewuka kwevaHedheni. Vakawuyisa mufaro kuhama dzose. 4 Zvino vakati vasvika Jerusarema , vakatambiriwa nakaereke navaapositora nevakuru, vakatawudziwa zvese zvakanga zvaitiwa naMwari kwavari. 5 Asi vamwe varume vakange vatenda , vakange varipabodzi neva Farisii, vakasimuka vasiti , " Vanofarira Kuchecheudziwa nekudzidzisiwa kuti vachengete mutemo waMosesi. 6 Ipapo vapositora navakuru vakawungana kuti vatawure pamusoro penyayayi. 7 Zvino vakati vapikisana zvakanyanya , Pita akasimuka akati kwavari , "Hama ,imi munoziva kuti kuvha kudhara Mwari akandiketa pakati penyu, kuti kuburikidza nemuromo wangu vaVahadheni vanofanira kunzvawo zvakare shoko revhangeri, nekuritenda. 8 Mwari, vanoziva moyo, vakavapupurira akavapasamweya mutsvene, sezvaakaita kwatiri. 9 Haana kupambura pakati pedu navo, akavasuka moyo yavo nkutenda. 10 Zvino koseiko musida kuyedza Mwari, musiyisa joko pamitsipa yevadzidzi rakangagoni kutakuhwa nemadzibaba yedu kana nesu? 11 Asi tinotenda kuti isu tisaponesewa nenyasha dza Ishe Jeso, nenzira ibodzi navo'' 12 Gurusvusvu rakanyarara rese vakateeredza vana Bharabhasi naPawuro vasivatawurira zvitondedzo nezvishamiso zvakayitiwa naMwari pakati paHedheni. 13 Zvino vakati vepedza kutawura , Jemusi wakapindura, asiti, ''Hama, teeredzei kwandiri. 14 Sayimoni akawura Mwari matangiro avakaita nenyasha dzavo kubetedza vaHedheni kuti vavhise kwavari vanhu nezita rake. 15 16 17 18 Mashoko evaporofita anowirirana nazvo, izvozvo, sezvakanyorewa, 'Kupera kweizvi zvose ndisadzoka, ndivake nyumba inoyera yaDhavhidhi, yakawa, ndisimudza nekudzosera zvakare apo pavakaparadza, kuti vanhu vakasara vatsvage Ishe, kusanganisira vaHedheni vose vachadanidziwa nezita rangu.' Izvi ndizvo zvinotawuriwa naIshe akaita zvinhu zvese. 18 Kuzikaniwa naMwari mukuzienda nakuenda ndiwo mabasa ake ose. 19 Nekudaro, ndasarudza kuti ngatisashungurudzayi vaHedheni avo vakadzokera kuna Mwari. 20 Asi tichavanyorera kuti vanofanira kuzvichengetedza kure nezvimipunzo, kuvha kuchihure, nekuja mhuka yakafa nekudzipiwa pahuro, nekumwa musiya. 21 Nekuti Mozesi akazvitaura muguta roga roga kuvhira pachizvahwa chakudhara zvakare arikuparidzwa mumaSinagogu Sabata yoga yoga.'' 22 Naizvozvo zvakafarihwa navaApositora nevakuru, nekereke yose, kuti vasarudze Judas ainzi Bhasabhasi naSayirasi, kuti vave vatungamiriri vehama, ndokuvatumira kuAntiyoki naPauro naBhanabhasi . 23 Vakanyora izvi nemaoko avo, ''Kuhva kuva apositora navakura , hama dzenyu, kuhama dzechiHedheni dziri paAntiyoki, Siriya neSirisiya: Kwaziwai! 24 Nekuti takanzwa kuti vamwe vanhu vakabuda pakati pedu, pasina vhumo yakahva kwatiri, ndokukuvhiringidzeyi nemashoko avo akaoresa moyo yenyu, 25 zvakataridza kunge zvakanaka kwatiri, isu takava nefungwa ibodzi, kusarudza varume kuti tivatumire kwamuri nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro, 26 varume vakaisa hupenyu hwavo pangozi nekuda kwezita raIshe Jesu Kirisitu. 27 Naizvozvo tatumira Judhasi naSayirasi, ivo vasataura zvinhu zvibodzi nemanzvi avone. 28 Izvi zvakanaka kumweya mutsvene nekwatiri, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kuzvinhu zvisina mupunduro: 29 kuti muzvichengetedze kuzvibayiro zvemuponzo, kumusiya,zvinhu zvakadzipiwa, nechihure. Kana mukasaita zvinhu izvi, munoita zvitsvene. Ndokuonekai nemufaro'' 30 Nekudaro, pavakakumusiwa ,vakadzika kuAntiyoki; mushure mekunge vaunganidza gurususu ravanhu, vakaburisa tsamba. 31 vakati vaverenga vakafara kwazvo pamusoro pekuvarayidziwa. 32 Judhasi naSirasi nevaporofita vasikurudzira vakoma nemazwi akawanda wakavasimbisa. 33 Vakativagara pakarepo kwekanguva vakayendesewa nehama murunyararo kune vakavatuma . 34 Zvisinei, Sirasi akazviona zvakanaka kuti asare pakarepo. 35 Asi Pauro naBhanabhasi vakagara Antiyoki, vasidzidzisa nekuparidza (pabodzi nevamwe) mazvi amwari. 36 Kwapera mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi, '' ngatidzokere zvino tonovhakachira hama dziri muguta rimwe nerimwe ratakaparidzira mazvi ashe tononangara kuti takadiniko ''. 37 Bhanabhasi wakadawo kutoraJoni wainzi Mako. 38 Asi Pauro wakafunga kuti zvakange zvisina kunaka kuti vatore Mako, uyo wakange wavasiya muPamifiriya uye haana kufambira mberi mubasa iri. 39 Ipapo, vakatsamwidzana nemubiyake, Bhanabhasi wakatora Mako wakaenda Kipurasi. 40 Asi Pauro wakasarudza Sirasi wakaenda naye,mushure mekunge vavimbiwa nehama munyasha dzaMwari. 41 Zvino wakaenda nemuSiriya neKirosiya,asisimbisa makereke.