1 Chiitiko chandakanyora ,Thiyoferasi , akataura zvose Jesu zvaakatanga kuita nekudzidzisa, 2 Kusvikira zuva raakatorewa kudenga, mushure mekunge arayirihwa nemweya mutsvene kuva positora vaakanga asarudza. 3 Mushure mekutambudzika kwake, akazviratidza kuti mutano kwavari nezviratidzo zvizhinji zvaigutsa. Nekuti akazviratdza kwavari kwemazuva gumi mana, ndokutaura pamusoro pehumambo hwaMwari. 4 Paaisangana pamwe chete navo, akavaudza kuti vasabuda muJerusarema, asi kuti vamirire vimbiso yababa, iyo yaakataura, ''Makanzva neni kuti 5 Jonhi viye akawombeka nemvura, asi musahewombekewa nemweya mutsvene mumazuva mashoma.'' 6 Pavakaungana pabodzi vakamuvhunza, ''Ishe iyi ndiyona yamusadzorera humambo kuvaIzirairi?'' 7 Akati kwavari, ''Hazvisi kwamuri kuti muzive nguva kana mwaka izvo baba vangu zvakagadzira nesimba ravo. 8 Asi musagamuchira simba kana mweya mutsvene wauya pamusoro penyu, muchava vapupuri vangu kose kuJerusarema neJudhiya rose neSemariya, kusvika kumapeto kwenyika,'' 9 Apo Ishe Jeu paakataura zvino izvi, pavainangara mudenga, gore rakamuhwandisa kuvha kumeso avo. 10 Pakarepo vasiri vakanangarisa kudenga paayiyenda, pakarepo, varume vaviri vakamira navo vane vakafeka hembe chena. 11 Vakati, ''Imi varume veGareri, seiko makamira pano makatarisa kudenga? Jesu uyu wakavhisiwa kwamuri kuyenda kudenga, asadzoka zvakare nenzira ibodzi yamamuwona asaenda nayo kudenga''. 12 Zvino vakadzokera Jerusarema vasivha kugomo rainzi Orivhi, riri padhuze neJerusarema, hwendo hweSabata. 13 Pavakasvika, vakakwira kuchikamuri chechina, apo pavaigara. Vavari vana Pita, Jonh, Jemusi, Enduru, Firipi, Tomasi, Batoromiyo, Matewo, Jemusi mwanakomana waArufasi, sayimoni muziroti, naJudhasi mwanakomana waJemusi. 14 Vose vakatanga kunamata chinangwa chibodzi,pabodzi nevakadzi, naMariya amai vaJesu nemadzikoma ake.